Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Sarudzo Dzakafanana Nekusarudza Pakati peRima neChiedza


Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa
Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vaparura zviri pamutemo hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro zviri pamutemo kuGweru, Midlands nhasi.

Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevatsigiri vavo muMkoba Stadium VaChamisa vati sarudzo dziri kuuya mwedzi unouya dzakafanana nekusarudza pakati perima nechiedza kana kuti hupenyu nerufu.

VaChamisa vavimbisa kuti vakakunda vachagadzirisa hupfumi hwenyika kuburikidza nekugadzirisa nyaya yehuori.

Svondo rapera, VaChamisa vaida kuparura hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro uhu kuBindura asi vakarambidzwa nemapurisa.

Vakurudzira vanhu munyika kuti vavhotere bato ravo vachiti ndiro rine hurongwa hwakajeka hwekugadzirisa zvinhu munyika kuti vanhu vose vave nehupenyu hwakanaka.

“Shoko redu tiri kuda kuuya nemutungamirir anobatanidza nyika. Pari zvino we are too divided as a nation. Ukaenda kuMatabelelnad they are forgotten and forsaken. Ukaenda kuMasvingo they are complaining that development is not coming to them. Ukaenda kuManicaland they have their grievances. There are grievances across the whole country.”

VaChamisa vati vakawanda vanotyira kumbunyikidzwa kwavati kuri kuitwa bato ravo nehurumende yeZanu PF uye kuti vechiuto vanogona kuvhiringidza zvinhu kana vakakunda asi vatsidza kuti rwendo rwuno vachakunda zvisina gakava. Vati vanhu vanovashora vachiti vanowanza zvebhaibheri asi vati zvavari kuita zvinaMwari mukati.

VaChamisa vati, “Mumatongerwo enyika tinoenda kumacontest edu, masoja oremekedza zvabuda musarudzo. In any event ndataura kuti izvi izvi ndezvedenga izvi, rwendo runo havzikoni.”

VaChamisa vati zvingavashamisa kuti pane vanhu vangachada kuramba vachivhotera bato reZanu PF vachiti rine nhoroondo yekutadza kutungamira nyika kusanganisira huwori izvo vati zvauraya nyika.

Asi mudzidzisiwe wezvidzidzo zvepamusoro munyaya dzezvehupfumi vaFelix Chari vati havo pane zvimwewo zvakagonekwa nehurumende.

Asi vati zviri kuvanhu kutsvaga mutungamiri wavanoda. VaChari vati, Tikatarisa tinoona kuti pane zvakagonekwa neZanu asi corruption kana huwori yakanganisa zvakawanda chose.”

Vaenderera mberi vachiti, “VeTripple C vanovimbisawo zvavanovimbisa zvinoramba zviri zvivimbiso sezvo vasati vave muhurumende. Asi tikatarisa muma urban local authorities kunove kwange kune opposition iri in charge, kune matambudziko akowo. Saka pakupedzirisa zviri kune veruzhinji kuti vasarudze mutungamiri wavanoona akavanakira.”

Bato reZanu-PF rinoti haro hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kurwisa huwori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG