Accessibility links

Breaking News

America Inopa Sangano reWFP Mari yeKubatsira Vanoshaya Chikafu Vari muMadhorobha


Amai Francesca Erdelmann veWFP Zimbabwe naAmai Priscilla Sampil veUSAID Zimbabwe
Amai Francesca Erdelmann veWFP Zimbabwe naAmai Priscilla Sampil veUSAID Zimbabwe

America yakapa sangano rinobatsira nechikafu pasi rose, reWorld Food Program, mari inosvika mamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica iyo ichashandiswa mukuwanira vanoshaya chikafu mumaguta emuZimbabwe.

Mari iyi yakapihwa WFP nemusi weChina kuburikidza nebazi rinobatsira pasi rose, re United States Agency for International Development (USAID).

Mutevedzeri wemutauriri weWFP muZimbabwe, VaTatenda Macheka, vakaudza Studio7 nemusi weChina kuti vanhu vakawanda vanogara mumaguta nemadhorobha vachabatsirikana nerubatsiro rwuri kubva kuUSAID.

“Rubatsiro rwatapihwa nhasi sesangano reWFP rwuchatanga nhasi uno kusvika gore rinouya ra2024. Mari iyeyi yatawana ichabatsira varimumaguta,” vakadaro vachiudza Studio 7 VaMacheka.

Nyanzvi munyaya dzrchikafu muUSAID, Muzvare Erina Machoko, vanoti hurongwa uhwu hwuchavapo kwegore pavachange vachibatsira vanoshupika mumaguta.

“Tanga tirikumahofisi edu eUnited Nations kwatanga tichiprarura chirongwa chekubatsira vemumaguta vanoshaya kuti vawane zvekuita nemaoko avo kuti vave nehupenyu kwahwo,” Muzvare Machoko vakadaro vachitaurira Studio 7 Voice of America.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru weUSAID muZimbabwe, Amai Priscilla Sampil, vakati ivo rubatsiro urwu rwuchasimudzira hupenyu hwevanhu vari kutambura panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Amai Priscilla Sampil veUSAID Zimbabwe
Amai Priscilla Sampil veUSAID Zimbabwe

“Danho iri rinopa mikana kuvagari vemumaguta vasina mabasa uye rubatsiro urwu rwuchavandudza hupenyu hwavo, vachiwana zvekurarama nazvo zuva nezuva,” vakadoro Muzvare Sampil.

Mukuru weWFP muZimbabwe, Amai Francesca Erdelmann, vakatiwo hurongwa hwakahunzwa nesangano reUSAID huchabatsira vazhinji vasina zvekuita mumaguta kuti vawanewo raramo vachizvishandira vega.

“Izvi zvinouya pamusoro perubatsiro rwatagara tichipa nguva dzese kuruzhinji, Izvi zvakakosha kuti vanhu vabatsirwe kuitira kuti vasvike pakurumurwa pakubatsirwa,” vakadarowo Muzvare Erdelmann.

Vamiri vehurumende vakabva kubazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu munyika vakaramba kupindura mibvunzo yeStudio7 vachiti vainge vasina kupihwa mvumo yekutaura nevatori venhau.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo tisina kukwanisa kubata gurukota rezvemabasa nekugara kwakana kwevanhu munyika, VaPaul Mavhima.

Mukati memakore mashoma apfuura, USAID yabatsira Zimbabwe nemari yechikafu inodarika mamiriyoni zana nemakumi matanhatu nemana, kana kuti 164 million US dollars.

USAID yabatsira Zimbabwe nemari inodarika mabhiriyoni matatu nemazana maviri emamiriyoni emadhora, kana kuti 3.2 billion dollars kubva muna 1980 pakawana Zimbabwe kuzvitonga.

Izvi zvinoisa America pamusoro pedzimwe nyika dzinobatsira Zimbabwe nezvirongwa zvakasiyana-siyana zvinosanganisira chikafu, hutano, mvura yakachena, dzidzo nezvimwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG