Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Rue Mupedzi, Vofadzwa neKutengeswa muZvitoro kweSauce Yavakagadzira kuMakwikwi eMaster Chef Australia


Muzvare Rutendo "Rue" Mupedzi vakagadzira BarbeRue Sauce lkumakwikwi eMaster Chef Australia.
Muzvare Rutendo "Rue" Mupedzi vakagadzira BarbeRue Sauce lkumakwikwi eMaster Chef Australia.

Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vari kuramba vachisimudza mureza wenyika kuenda mudenga nenzira dzakasiyanasiyana.

Mumwe wevari kusimudza mureza weZimbabwe ndiMuzvare Rutendo "Rue" Mupedzi, avo vari kugara muguta rePerth, kuAustralia, avo vakapinda mumakwikwi ekubika anoremekedzwa zvakanyanya nekukosheswa pasi rose, eMaster Chef Australia, ayo akatangira kuBritain.

Muzvare Mupedzi, avo vane makore makumi matatu ekuberekwa, vanoti chinhu chavakanga vasina pfunga yekuti vangazopinda machiri, asi mumakore a2015 na2016 vakazotanga kunakidzwa nekutevera makwikwi ekubika echirongwa ichi, zvakazoita kuti vazoedzawo mhanza mushure mekunge vashevedzwa nemumwe wevarongi vemakwikwi eMaster Chef Australia kuburikidza nezvavaisibika vachiisa padandemutande ravo reInstagram.

“Kubva zvandabva kuZimbabwe ndaingofarira zvekubika, but ndaisazvitora serious. Asi kubva pandazotanga kuona Master Chef, ndaingogara ndichiseka zvangu, ndichiti aah, nerimwe gore ndichazokuendawo kuMaster Chef,” vanodaro Muzvare Mupedzi.

Vakazobudirira kupinda mumakwikwi aya mugore rino achizotanga muna Chivabvu vari gumi nevasere (18) kusvika vazoburitswa vasara vari vanomwe (7) muna Chikumi.

Mumakwikwi aya maivewo nechimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaRalph Kahango, avo vakasimudzawo mureza wenyika, kunyange hazvo vasina kuzosvika kure.

BarbeRue Sauce inotengeswa kuzvitoro zveColes.
BarbeRue Sauce inotengeswa kuzvitoro zveColes.

Mukati memakwikwi aya vakapiwa mukana wekugadzira sauce yekuisa panyama yakagochwa, iyo inove yakafarirwa zvikuru nemajaji zvakaita kuti majaji aya asarudze zvavakabika pazuva iri sezvakakunda vamwe vose.

Nekuda kwekubudirira kwavo mumakwikwi aya, Muzvare Mupedzi vakapiwa mukana wekuti sauce yavo, iyo yavakapa zita rekuti "BarbeRue Sauce," itengeswe muzvitoro zveColes, izvo zvinotengesa zvekduya muAustralia.

Vachitenda mhuri yavo nekuvatsigira zvakasimba kwayakaita, vanoti, “Mhuri yangu yakanditsigira zvisingaite. Ndisati ndatomboisa application, Mai vangu nemurume wangu vakanditi chingoita, because even kumabasa kana uchitsvaga basa kana wakashayiwa hazvina zvazvinochinja. Saka pandakazoenda ikoko mhuri yangu yakanditsigira zvisingaite.”

Muzvare Mupedzi vanokurudzira vamwe vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vabude kubva mumimvuri yavo varatidze zvavanogona, kwete kuti vazviite sevasungwa nekuti vari munyika dzevamwe.

Vanoti vane hurongwa hwekuzonotangawo chirongwa chakafanana nechavakapinda chekubika ichi kuZimbabwe kuitira kupa mukana vamwe vavanoti vasiri kuwana mukana wekuburitsa hunyanzvi hwavo hwekukaringa.

Muzvare Mupedzi vakaenda kuAustralia nemhuri yavo vaine makore gumi nemashanu vakazopasa zvidzidzo zvekuve nyanzvi yehutano hwemazino, kana kuti Oral Health Therapist, uye vanoitawo zvakawanda zvine chekuita nekubika zvakasiyanasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG