Accessibility links

Breaking News

Scotland Yoburitsa Zimbabwe Mumakwikwi eKuenda kuICCC World Cup 23.


MuZimbabwe mune kuchema kukuru mushure mekunge chikwata chenyika cheCricket chema Chevrons chakundikana kubudirira kuenda kumafainari e2023 World Cup ari kutambirwa kuIndia muna Gumiguru.

Zimbabwe yarohwa nemaranzi makumi matatu nerimwechete ndokubuda mumakundano ayo yakatanga zvinofadza asi ndokupedzisa mukusuwa.

Izvi zvaunza ndangariro yezvakaitika muna 2018 apo Zimbabwe yakakunda mumitambo yayo yese asi ndokuzororwa mumutambo wekugumisira uyezve waive wakakoshesesa neUnited Arab Emirates.

Nhasi, Zimbabwe yapedza mitambo yayo yese iine mapoinzi matanhatu yakaenzana neScotland asi Scotland yaenda pamusoro nekukanda maranzi akawandisa.

Kunyange hazvo Ryan Burl akanda maranzi makumi masere nematatu izvi hazvina kubatsira mushure mekunge mawiketsi mashanu adonha nechimbi-chimbi.

Mutsigiri wemaChevrons VaPeter Makesa vanoti zvinorwadza zvikuru kufira pamusuwo wasvika sezvaitwa nemaChevrons izvi

Mumwe muteveri wemaChevrons VaStanford Nyamayedenga vanoti vatambi veZimbabwe havafanire kuora moyo asi kuti vatange kugadzirira mitambo inotevera.

Murairidzi wemutambo uyu Leonard Nhamburo anoti murairidzi wechikwata ichi Dave Houghton ave kufanira kugara pasi nevatambi vake voona kuti votangira papi zvekare.

Aya ave maWorld Cup maviri akateverana Zimbabwe ichikundikana kuenda kumafainari aya kubvira veInternational Cricket Council vashandura nzira yekurwira kuendako.

Scotland yacho yave kutarisira kurova Netherlands nechina kuti izadzikise zvikwata gumi zvichange zviri kumafainari kuIndia munaGumiguru pamwechete neAfghanistan, Australia, Bangladesh, England, Pakistan, New Zealand. South Africa neIndia, izvo zvakawana tikiti kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG