Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanoti Mutungamiri weChina Haana Kusiyana neVanotonga neDemo


VaBiden naVaXi
VaBiden naVaXi

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakafananidza mutungamiri wenyika yeChina VaXi Jinping semutungamiri anotonga nedemo. VaBiden vaitaura kunhengo dzebato ravo vachitsvaga mari yekukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika.

VaBiden vakati VaXi vakatsamwa zvikuru mushure mekunge mauto eAmerica apfura chibharumu chekusora chenyika yavo.

Vanoti vakatsamwa nekuti vainge vasina kusumwa nezvekusora uku nevanhu vavo vakati vatungamiri venyika dzisina hutongo hwejekerer havafare kana zvinhu zvikaitwa vasina ruzivo nazvo.

Asi ichipindura, mutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muChina Amai Mao Ning vati mashoko aya ndeekuda kusvokosva nyika yavo nekuratidza kusairemekedza.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG