Accessibility links

Breaking News

Murimi Ane Mukurumbira paKurima Chikafu Chisina Mishonga muAmerica, Amai Faustina Chitura, Vanovhura Imwe Purazi kuBulawayo


Murimi wekuZimbabwe, Amai Faustina Chitura, av vanorima vari muAmerica vave nerimwe purazi kuBulawayo.
Murimi wekuZimbabwe, Amai Faustina Chitura, av vanorima vari muAmerica vave nerimwe purazi kuBulawayo.

Chizvarwa cheZimbabwe vari murimi ane mukurumbira muSan Diego mudunhu reCalifornia muAmerica, Amai Faustina Chitura, vatakura hunyanzvi hwavo hwekutamba nevhu kuenda nahwo kuBulawayo, uko vakavhura purazi ravo reHukama Produce ravari kurima zvirimwa zvisina mishonga sezvavanoita muAmerica.

Amai Chitura vanoti vari kurima zvirimwa zvavanorima kumapurazi avo kuSan Diego zvinosanganisira chibage, michero pamwe nemiriwo yekasiyanasiyana, kusanganisira yekumusha, vashingashandise mafotereza kana mishonga yekuuraya twumbuyu.

Pamusoro pezvirimwa izvi, vanochengetawo zvakare huku idzo vasingape mishonga asi kuti vanongoshandisa chete tsangamidzi ne garlic zvavanosanganisa nechikafu chehuku.

Vanoti vakatambirwa zvakanaka chose nevanhu vemuBulawayo, uye sezita repurazi ravo, vari kurima hukama hwakanaka nevatengi.

Pari zvino vane vashandi vane chitsama vanovabatsira kubata mabasa akasiyana siyana emumunda anoitwa zuva nezuva.

Amai Chitura vanoti vakaberekwa mumhuri yekwa Chidembo kuArea D mudunhu reMudzi kuMashonaland East, vakazoroorwa kwaRusape kuNyazura.

Vanoti havana kuenda kuchikoro chekudzidza zvehurimi, asi kuti hunyanzvi hwavo hwese inhaka yavakasiirwa nevabereki vavo, avo vavanoti vairima zvikuru kwakare kuMudzi.

Purazi ravo rekuBulawayo rine maeka makumi matatu, asi pari zvino vanoti vari kushandisa maeka maviri vachiwedzera nguva nenguva.

KuSan Diego Amai Chitura vari kurima maeka anodarika matanhatu, vachiti vakatanga zvekurima muAmerica muna 2013,

Pamusoro pekurima, Amai Chitura nemhuri yavo vanobatsirawo mhuri dzinoshaya dzavanopawo zvimwe zvezvavanorima nekupfuya.

Vanoti nekuona pundutso inobva muvhu, mwanasikana wavo akatosiyawo basa rake raakadzidzira rezvemari achipindawo mukurima pamwe nemurume wake, uye ndivo vanonyanyofambisa basa kuSan Diego kana Amai vari kupurazi rekuBulawayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG