Chikwata cheSheasham chafarira kudzokera kushandisa nhandare yacho yeBata mushure mekumbomiswa kwayo nezvikonzero zvaive zvisinganzwisike.
Chikwata ichi neMugovera chaive munhandare iyi chichisangana neHerentals mumutambo uyo wakapera ari mangange 0-0.
Nhandare iyi yaive yambomiswa nevakuru vePSL avo vakati yaive isingakodzere kutambirwa nhabvu yepamusoro kunyange hazvo yaive yapihwa mvumo neZifa First Instance Body.
Asi ongororo yakazoitwa zvekare yakawana nhandare iyi yakakodzera izvo zvaunganidza vateveri vechikwata ichi vemuguta reGweru munhandare iyi.
Mutauriri weSheasham, VaElias Maginya, vanoti vafara zvikuru kudzoka munhandare yavo nekuti vatsigiri vavo vanga vave kuremerwa munyaya dzemari kufamba kuenda kuMandava Stadium kuZvishavane
“Vatsigiri vedu vanga vave kuremerwa nekufamba kukwira boterekwa kuenda kuMandava. Tine mufaro mukuru kuti vese vatai batana navo vave kuona chikwata chavo vari pedyo nemusha,” vanodaro VaMaginya.
VaMaginya vanoti kutambira munhandare yavo kuchapa vatambi vavo manyuku nyuku kuti vawedzera mwando kudzivirira kubuda muPSL.
Zvichitevera mitambo yemugovera, Sheasham yave pachinzvimbo chegumi neshanu mugungano rezvikwata gumi nezvisere, iine mapoinzi gumi nerimwechete.
Murairidzi wavo, John Nyikadzino, anoti havasi kuda kutora nzira yezvikwata zvinobuda muPSL nekukundikana gore rimwechete zvapindamo.
“Hatina zvakawanda zvatiri kutarisira gore rino kunze kwekuchengetedza nzvimbo yedu muPSL,” Nyikadzino akataurira Studio 7.
Herentals yaramba iri pachinhanho chegumi nenhatu asi murairidzi wayo, Kumbirai Mutiwekuziva, anoti vatambi vake vanofanira kuregedza katsika kekudherera zvikwata zvisina mukurumbira.
Nemugovera kwanga kuine mitambo mitatu chete ye PSL kusanganisira uyo waive muNational Sports Stadium umo Caps United yarohwa 2-1 neCranbourne Bullets.
Vatsigiri veCaps vave kusheedzera kuti muraridzi wavo Lloyd Chitembwe anofanira kusiiswa basa sezvo akundikana.
KuLuveve Stadium, Chicken Inn yarovawo Black Rhinos 1-0 ndokukwira kusvika pachinzvimbo chechitatu, pasi peNgezi Platinum Stars neHighlanders.
Black Rhinos yaramba iri pasi pasi petafura nemapoinzi matanhatu chete zvekuti vatsigiri vayo vari kunamata kuti vangaite sei kuti vararame mugungano iri.
Asi mutambo mukuru Svondo rino uriko nesvondo muBarboufields Stadium umo Highlanders iri kusangana nevavakidzani vayo veBulawayo Chiefs.
Pari zvino, Highlanders iri pachinzvimbo chechipiri, Bulawayo Chiefs ichirwisawo zvakasimba iri pachinhanho chechishanu.
Mimwe mitambo iriko neSvondo yakamira seizvi, Dynamos neZPC Kariba muNational Sports Stadium, Greenfuel neFC Platinum muGibbo, kuchitiwo Hwange ichange iri pamusha ichisangana neManica Diamonds muHwange Colliery.
Facebook Forum