Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yodamburwa ne"Madamburo"-Ngezi Platinum


Ngezi Platinum Stars

Chikwata cheDynamos chapinda mumitambo mishanu yakateverana chisina kukunda kana mumutambo mumumwechete.

Dynamos nhasi masikati yarohwa 2-1 neNgezi Platinum Stars, ndokupinda mumitambo mishanu isati yapemberera kukunda.

Chikwata chaHebert Maruwa ichi chakapedzisira kukunda apo chakarova Caps United 2-0, ndokutevera nemangange neTriangle, Herentals, Manica Diamonds, Highlanders nekukundwa kwayaitwa nhasi neNgezi.

Kukunda kwanhasi kwakwidza Ngezi Platinum Stars, pamusoro petafura nemapoinzi makumi maviri, poindi imwechete pamusoro peHighlanders iyo yaita mangange 1-1 neGreenfuel.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars, Takesure Chiragwi anoti zvishoma nezvishoma vachasvika chete pavari kuda panove kutora mukombe.

Kurohwa kweDynamos, nemangange eHighlanders zvasanganawo nemangange e1-1 aita Caps United neSimba Bhora, izvo zvasiya pasina chikwata chine mbiri chakunda.

Caps United yave pachinzvimbo chechishanu nemapoinzi gumi nemanomwe, Dynamos pachinzvimbo chechinomwe nemapoinzi gumi nemashanu.

Mutsigiri wenhabvu VaOliver Musongoro vanoti veruzhinji vanofanira kukanganwa zvezvikwata zvine mbiri izvi kutora mukombe mwaka uno.

Mumwe mutambo wanhasi waita mangange zvekare asi 0-0 pakati peSheasham neTriangle.

Asi chashamisa svondo rino iYadah iyo yakanorova Manica Diamonds iyo iri kukwikwidza zvakasimba kutora mukombe uyu.

Zvichiuya zvekare mushure mekurova Herentals 1-0 murairidzi wavo Expense Chitukutu anoti nerutsigiro rwakakwana vanokwanisa kuenda pamusoro pegungano iri.

Mutambo wekugumisira svondo rino, uriko mangwana muNational Sports Stadium apo ZPC Kariba irikusangana neChicken Inn.

Uyu ndiwo mutambo wekugumisira weZPC munhandare iyi zvichitevera ongororo yeZifa First Instance Body iyo yakatara kuti Nyamhunga Stadium yavanoshandisa semusha yave kukodzera kutambirwa nhabvu yePSL.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG