Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Vovimbisa Kuti Bato Ravo Richachengeta Vatori veNhau paMisangano Yaro Zvisineyi Nekuti Ndeve Kambani Ipi


VaNelson Chamisa, mutungamiri webato reCCC.
VaNelson Chamisa, mutungamiri webato reCCC.

Mutungamiriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC), VaNelson Chamisa, vanoti sarudzo hadzigoni kufamba zvakanaka kana vatori venhau vachimbunyikidzwa, kurohwa vari pabasa kana kutorerwa zvekushandisa zvavo, uye vavimbisa kuti bato ravo richachengetedza vatori venhau pamisangano yaro zvisinei kuti vanoshandira kambani ipi.

VaChamisa vataura mashoko pamusangano wekuzeya kuchengetedzwa kwevatori venhau panguya yesarudzo wange wakarongwa neZimbabwe Union of Journalists (ZUJ), Media Institute of Southern Africa –Zimbabwe pamwe neMedia Alliance of Zimbabwe, MAZ.

VaPerfect Hlongwani vaCris Chinaka apavakasangana nebato reZanu PF.
VaPerfect Hlongwani vaCris Chinaka apavakasangana nebato reZanu PF.

Mutungamiri webato rinopikisa ava vati vatori venhau vanofanira kupihwa mukana wekupakurira veruzhinji mashoko kuti vakwanise kuvhota vaine ruzivo rwese rwavanoda.

“Tanga tichitaura nyaya dzesarudzo, kuti dzive dzakanaka vanhu vanofanira kuva nemashoko. Saka vanhu vese vanofanira kubvumidzwa kuti vange vachiuchika mashoko uye vachikwanisawo kutura mashoko zvakasiyana siyana. Asiwo pane zvinoda kurongwa pahurongwa kana kuti mapolicies enyika.

"Vatori venhau vanofanira kupihwa kodzero dzekuti vaitewo sezvinoita mamwe maProfession. Mukainda kun’anga dzine maiitire adzo, mukaendawo kumaporofita nemachechi vane maitire avo, mukaindawo kunotarisa kuneWapusa wapusa vane maitiuro avo.

"Profession imwe neimwe vane maitiro avo, magweta ane maiitro avo, vatori venhau vanofanira kupihwa mukana wekuti vange vane maromngero avo , vachizviitira zvinhu zvavo, vachiisa hurongwa hwavo. Izvozvo zvinoita kuti anenge atsaudzira, vatori venhau pachavo vanogona kunogadzirisa kwete kuti tibve tasunga vatori venhau.”

Nhepfenyuro yeZBC
Nhepfenyuro yeZBC

Vatiwo makambani ehurumende akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation, haafaniri kushandiswa nemapato ezvematongerwo enyika uye ngaaite basa rawo zvakajeka uye zvisingakonzere kusagadzikana munyika.

“Naizvo vaZBC nemamwe mapepanhau muno munyika tiri kuvapa kuruddziro yekuti tisavavana, nanaStudio 7 tisavavana. Ndakaona mazuvano, handizivi kuti muri kunyanya kutema musina kwamakarerekera sekutaura kwenyu kana kuti pane kwamunorerekera, asi zvinhu zvikuru ndezvekuti vanhu vapihwe nguva nemukana wekupa mashoko avo nepfungwwa dzavo panguva dzose.”

VaChamisa vaenderera mberi vachiti vatori venhau vanoit basa rakakosha uye CCC ichavachengetedza pamisangano yayo yese.

“Tavimbisa kuti tichaona kuti vatori venhau kungava kumisangano yedu, kana kuti matinobata mundima dzedu hatidi kuti munge muine masoso kana minzwa ingabaya vatori venhau vedu. Munoona zvinoitika kune dzimwe nyika kunenge kune hondo vatori venhau vano pedzesera vave pakati nekuti vanenge vachiita basa rekuda kuti zvinhu zvizikanwe nenyika yese.”

VaChris Chinaka
VaChris Chinaka

Sachigaro veMISA-Zimbabwe Board of Trustees, VaCris Chinaka, vatenda VaChamisa nemashoko avo.

“Vativimbisa ivo kuti pavanenge vachiita misangano yavo vachange vachikoshesa kutorwa nekupepetwa kwenhau, vachange vachiedza kushanda nevanotora nekupepeta nhau kuti mashoko ange achibuda zvakanaka. Vati vimbisawo kuti pamisangano yavo vachange vachiona kuti vanotora nhau havamanikidzwi uye kuti ivo maonero avo hapafaniri kusarudzo kuti vanotora nhau vanobva divi ripi, vanosarudzo divi ripi.”

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muMAZ, VaNigel Nyamutumbu, vanoti vati vemapato ezvematongerwo enyika havafaniri kuvhiringidza vatori venhau kunyange vasiri kufara nebasa ravo.

“Kana vasiri kufara nekushambadzwa kunge kwaitwa nhau mumawairesi nemuzvivhitizviti vane matanho avanokwamisa kutora. Matanho iwawo haana mhirizhonga.”

ZUJ, MAZ, MISA-Zimbabwe nemamwe msangano anomirira vatori venhau munyika vari kuita misangano nemapato ezvematongerwo enyika vachiita zvisungo zvekuti vatori venhau vachengetedzwe nguva dzese, zvikuru sei panguva yesarudzo apo vanonyanyo shurungurudzwa vari pabasa nevemapato aya pamwe nemapurisa.

Masangano evatori venhau aya akasangana nebato reZanu PF nemusi weChipiri uye bato iri rakavimbisawo kuchetengetedza vatori venhau. Vakatoitawo kare chisungo chekushanda murunyararo nemapurisa eZimbabwe Republic Police. Masangano aya achasangana nebato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora nemusi weMuvhuro svondo rinouya.

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vanotarisa mazita avo mu voters' roll.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vanotarisa mazita avo mu voters' roll.

Zvichakadai, CCC yakurudzira veruzhinji kuti vaende kunoongorora mazita avo kuti arimo here mugwaro revhoti, kana kuti voters’ roll, iro richavhurwa mangwana neZimbabwe Electoral Commission, kuitira kuti vagadzirise kana pachinge paine zvisina kunyorwa zvakanaka.

Izvi zvataurwa nevakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvesarudzo mubato iri, VaIan Makone, pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare nhasi.

ZEC yakazivisa kuti chirongwa chekuongorora mazita ichi chichatanga mangwana chichivharwa nemusi we Chitatu svondo rinouya, uye chichange chichitanga nenguva dza7 mangwanani kusvika nenguva dza 5 manheru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG