Accessibility links

Breaking News

Bazi reDzidzo yePasi Rinoparura Chirongwa cheKuongorora Mafambiro eDzidzo muZvikoro, Vadzidzisi neVabereki Vachichema neCALA


Mumwe yemisangano yekuongorora hurongwa hwedzidzo.
Mumwe yemisangano yekuongorora hurongwa hwedzidzo.

Bazi rezvedzidzo yepasi ratanga nhasi chirongwa chemazuva maviri chekuongorora kuti dzidzo iri kuenderera mberi zvakanaka here muzvikoro, kana kuti New Curriculum Reivew, icho chinosanganisira zvidzidzo zvakatangwa nehurumende muna 2021 zveContinous Assessment Learning Activities (CALA).

Mumwe mubereki aendawo kumusangana weongororo yezvedzidzo uyu, Amai Martha Makhosa, vati vanga vachitarisira kuti vanopa maonero avo nezvedzidzo yepasi asi vati vawana kune mibvunzo yakagadzirwa nechekare yavange vachifanirwa kupindura semubereki.

"Bazi redzidzo yepasi yakaita mibvunzunzo yavo. Isu tanga tichitarisira kuti tikasvika paya vachatibvunza kuti imwi sevabereki zvii zvamuri kutarisira."

Mumwezve mubereki ada kungozivikanwa nekuti Amai Tendai, vati pamusoro nekuda kwekuti zvikwanisiro zviri kunetsa, kunyanya pakuita zvidzidzo zveCALA, dzidzo iriko inoda kuti vana vagare vachiita tsvakurudzo pamadandemutande vachiti vave kusangana nezvimwe zvisineyi nedzidzo.

"Akatoona nziyo kana zvimwe akutoita izvozvo nekutozowona zvimwe zvisinei nedzidzo."

Vabereki vapinda mumusangano weCurriculum Review
Vabereki vapinda mumusangano weCurriculum Review

Zvirongwa zveCALA zvinopa mikana kuvadzidzi kuti varatidze matarenda avo muzvinhu zvakasiyana-siyana uye ndezvimwe zvinozobatanidzwa nezvinenge zvawanikwa nemudzidzi mmubvunzo dzake dzekupera kwezvidzidzo..

VaTatenda Chimuti vataurawo neStudio 7 vati kunyangwe hazvo dzidzo iriko kusanganisira yeCALA yakanaka zvikuru, kunyanya munyaya dzekushandisa humhizha hwaiyezvino, dambudziko nderekuti zvidzidzo zviriko zviri kuomera zvese vabereki nevana pamwe nekushaikwa kwezvikwanisiro nekudaro dai zvambomirwa.

"Mamwe macala acho anouya nevana kana nesu vabereki vacho hatiagoni."

Mumwe mubereki asina kuda kudomwa nezita atiwo zvidzidzo zvawandisa uye hakuna vadzidzisi vane hunyanzvi hwezvimwe zvidzidzo izvi.

Zvigwadzirwa zvevana vari kuita CALA.
Zvigwadzirwa zvevana vari kuita CALA.

Mutungamiriri weAmalgamated Rural Teachers of Zimbabwe, ARTUZ, VaObert Masaraure, vati ongororo yavange vachiitawo parutivi inoratidza kuti vabereki vakawanda havasi kufara nehurongwa hwedzidzo uhwu, kunyanya hweContinous Assessment Learning Activities. Vakurudzira kuti zvidzidzo zveCALA zvideredzwe huwandu vachitiwo vanoda kuti dzidziso yebumbiro remitemo ive muzvidzidzo.

"Kuziva bumbiro remitemo yenyika tinoda kuti kudzidziswe kubva vana vari mudiki saka toda kuti zviiswe munezvedzidzo. PaMaCala toda aderedzwe kusvika kurimwe."

Munyori anoona nezvedzidzo mubato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Amai Evelyn Masait, vati sebato vanoona kuti hurongwa hwedzidzo huripo hurikuda mari yakawanda zvakanyanya zvisingagonekwi nevazhinji.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZanu PF sezvo tatadza kubata mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Kugwadi,

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti chirongwa ichi chatanga uye chiri kufamba zvakanaka.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.
Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro.

Vachitaura nezvekugunun’una kwevamwe vabereki nekuwana kuine mibvunzo yavanga vachinzi vapindure, VaNdoro vati ndozvavakawona zvichiita kuti chirongwa ichi chifambe zvakanaka.

Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kupetwa mangwana, VaNdoro vachiti vanenge vave nezvakazara pamusoro pechirongwa ichi manheru anhasi. Vatiwo donzvo ravo nderekuona kuti kuti munhu wese munyika akwanisa kupa pfungwa dzake.

Hurongwa hwedzidzo hutsva uhu, kana kuti New Curriculum iyi, yakatanga kugadzirwa muna 2014 yakapedziswa muna 2015.

Hurongwa hwekuivandudza muzvikamu hwakazotangwawo muna 2017. Hwaro hwedzidzo uhu (principles) hunosanganisira kuenzaniswa kwemikana (inclusivity), kuwanikwa nyore (accessibility) hunhu (respect) uye kuve pachena (transparent).

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG