Accessibility links

Breaking News

UNICEF Inobatana neMapazi eHurumende muKuwanisa Magwaro eKuberekwa Kune Vasina


UNICEF
UNICEF

Sangano reUNICEF, richishanda nemapazi ehurumende anoti revashandi nemagariro akanaka evanhu pamwe neremukati menyika kuburikidza nehofisi yamabharani mukuru wehurumende yaRegistrar-General, vari kufamba mumisha yekumaruwa vachibatsira kusimudzira kuti vanhu, kunyanya vechidiki vari kunzvimbo dziri kure, vawane magwaro ekuzvarwa kana kuti mabirth certificate.

Zvinogona kushamisa kuti kune vanhu vanozvarwa vokura kusvika pakuita
vana nevazukuru vasina kuwana magwaro ekuzvarwa kana anoratidza kuti
ndivanani.

Asi izvi zvinowanikwa, kunyanya kumaruwa akawanda emunyika, kusanganisira kuTsholotsho, mudunhu reMatabeleland North.

Mbuya Magaret Marandure Nyathi
Mbuya Magaret Marandure Nyathi


Mbuya Margaret Marandure Nyathi, avo vane makore makumi manomwe nemana
ekuberekwa, vanogara kuMvundlana kana kuti Ward 13 pedyo neTsholotsho
Centre uye vanoshanda sadamba nevana kana kuti Child Care Worker, vachishanda pasi pebazi rekugara zvakanaka kwevanhu.

Rimwe rebasa ravo nderekubatsira kuti vana vasina magwaro ekuzvarwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana, kusanganisira kupesana kwevabereki muwanano, vawane magwaro aya.

"Vana vanenge vadhambiwa vabva kuSouth ne”dabulap”, vana vanenge
vadhambiwa muno vachinzi ‘haazi wangu’; pane nherera vanenge vakafirwa
nevabereki. Tobetsera vose vana vanotambura."

Amai Simangele Ndebele, avo vane makore makumi mashanu ekuberekwa,
vanogara mumusha weEfusini muTsholotsho uye vanoshandawo saChild Care
Worker.

Vanofamba vachikurudzira veruzhinji kuti vatorese vana kunyanya magwaro ekuzvarwa.

Dzimwe nguva vanotoita zvekusvika pamisha
yavanoziva inenge ine vana vasina magwaro aya uye vanoti kune vamwe
vabereki vanoratidza kusada.

Vasina zvitupa vari kupiwa zvakare.
Vasina zvitupa vari kupiwa zvakare.


"Mumwe mubereki anogona kukuudza kuti ava vana vangu havazi vako.
Vanoti kana imi muchiona sekuti muri kuita zvakanaka, chionai kuti
moita sei. Zvinowanikwa zvakadai; tinosangana nazvo."

Amai Ndebele vanoti mukuita basa ravo dambudziko guru ravanosangana
naro ndere kuti vanofamba mitunhu yakareba vasina zvifambiso. Mbuya
Marandure vanotsinhira:

"Tinoda transport. Tikapiwa mabhasikoro ekufamba padhuze, nemota
dzekuenda kure. Transport ndiyo yatinochema nayo, netraining yekuti
vatsva vanenge vachipinda, vazive kuti basa iri rakanangana nei."


VaNicholas Maphosa ndemumwe mugari wekuMtshina kana kuti Ward 10 uko
kunogara vanhu verudzi rwechiSan, chinove chinhanho makiromita makumi
maviri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweTsholotsho Centre.

Vanofara kuti vana nevamwe vanhu vemunzvimbo iyi vari kuwaniswawo
magwaro ekuzvarwa.

Vana vasina magwaro ekuberekwa vari kupiwa. (Columbus Mavhunga for VOA)
Vana vasina magwaro ekuberekwa vari kupiwa. (Columbus Mavhunga for VOA)


"Vave kudzidza zvakanaka, hapana zvinonetsa hapachina mibvunzo,
vadzidzisi havachanetseki nekuti vanenge vachinyanya kuda mabirth
certificate evana zvikuru."

Taedza kubata VaHenry Muchiri, mukuru webazi raRegistrar General asi
nharembozha yavo yange isingabatiki. Hatinawo kukwanisa kubata vekumahofisi eUNICEF munyika kuti tinzwe kuti chirongwa ichi chiri kufamba zvakadii.

Asi mafigiri akabva kumahofisi ebazi remagariro evanhu akanaka ari muTsholotsho
anoratidza kuti pane vana vari pasi pemakore gumi nematanhatu
vanopfuura zviuru zvitatu nemazana mashanu nemakumi mana, 3542,
vakawana magwaro ekuberekwa, kana kuti birth certificates, kekutanga uye vanhu mazana matanhatu vapfuura makore gumi nematanhatu vakawana magwaro kekutanga.

Vadarika makore gumi nematanhatu vasina magwaro vari kubatsirwawo.
Vadarika makore gumi nematanhatu vasina magwaro vari kubatsirwawo.


Nzvimbo yeTsholostho nedzimwe mumatunhu eMatabeleland neMidlands dzine
vanhu vane chitsama vasina magwaro nekudawo kwenhoroondo
yeGukurahundi.

UNICEF iri kubatsira hurumende muchirongwa ichi nerubatsiro rwakabva
kuhurumende yeSweden rwemari inosvika madhora mamiriyoni mashanu emari
yekuAmerica, iyo iri kushandiswa mukutsigira mabasa emadamba nevana kana kuti Child Care Workers, nezvimwewo zvakasiyana siyana.

Chirongwa ichi chiri kuitwawo kuBikita, Chimanimani neChipinge mukubatsira vakarasikirwa nemagwaro avo panguva yemafashamu eCyclone
Idai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG