Hapana shanduko huru yaitika mumamiriro etafura yeCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera kupera kwemitambo yechigumi muhurongwa hwemitambo yenhabvu mwaka uno.
Ngezi Platinum Stars ichiri kutungamira makundano aya mushure mekunge Manica Diamonds yatadza kushandisa mukana wayanga yawana wekuti iende pamusoro petafura ndokuita mangange 0-0 ne Dynamos muNational Sports Stadium nhasi masikati.
Manica Diamonds, iyo yanga ine mapoinzi gumi nemashanu, yanga ichizoenda pamusoro petafura nepoindi imwechete dai yarova Dynamos asi zvakona n’anga murapwa achida.
Pari zvino, Ngezi ndiyo iri pamusoro nemapoinzi gumi nemanomwe yakaenzana neHighlanders iyo yakaita mangange 1-1 neCranbourne Bullets nezuro.
Manica Diamonds, iyo yave nemapoinzi gumi nematanhatu, yave pachinzvimbo chechitatu, yakaenzana mapoinzi neCaps United asi iri pamusoro peMakepekepe nezvibodzwa.
Murairidzi wemaGem Boys, Jairos Tapera, anoti hondo yekutora mukombe iri kuenderera mberi. Asi mutsigiri weDynamos, VaClayton Maticha, vanoti murairidzi wavo Hebert Maruwa anofanira kugadzirisa chikwata chavo kuti chiwedzere mwando.
Mutambo pakati peCaps United neSheasham hauna kutambwa mushure mekunge Sheasham yaramba kufamba kunotambira mutambo uyu kuMandava Stadium, ichida nhandare yayo yeBata. Kunyange hazvo Bata Stadium yakapihwa mvumo yekushandiswa neveZifa, vatungamiri VePSL vakaimisa vachiti haikodzere kutambirwa nhabvu yepamusorosoro.
MuHararewo mavewo nekuchema kuti huswa hwemunhandare yeNational Sports Stadium hwave kuipa nekushandiswa zvakanyanya nezvikwata zvisere zviri kushandisa nhandare iyi svondo rega rega.
Asi mutambo kuColliery pakati peHwange neTriangle waenderera mberi, zvikwata izvi ndokuita mangange 0-0. Kwatambwa mitambo gumi, zvikwata zvina zviri pamusorosoro petafura ndeizvi.
Ngezi Platinum 17 points
Highlanders. 17 points
Manica Diamonds 16 points
Caps United. 16 points
Zvikwata zvina zviri pasi pasi petafura ndeizvi ….
Sheasham. 9 points
Greenfuel. 9 points
ZPC Kariba. 8 points
Black Rhinos. 6 points
Yadah yakapunyuka kubva pazvikwata izvi yarova Herentals 1-0 asi murairidzi wayo, Expense Chitukutu, anoti vanofanira kugadzirisa maitiro avo pamberi pegedhe.
Simba Bhora neBulawayo ndidzo dziri kuvhara mitambo yesvondo rino apo dziri kusangana muNational Sports Stadium mangwana.
Facebook Forum