Accessibility links

Breaking News

Ngezi Platinum Yotungamira PSL Mushure Mekurova FC Platinum


Ngezi Platinum Stars
Ngezi Platinum Stars

Chikwata cheNgezi Platinum Stars chatora hutungamiri hwe Castle Lager Premier Soccer League zvichitevera mitambo yatambwa yanhasi.

Ngezi Platinum Stars yapinda panyanga mushure mekurova FC Platinum 2-0 muBaobab Stadium musi uyo Highlanders neCaps United dzatsvedza.

Zvibodzwa zvabva kuna Tinotenda Murasiranwa naLeslie Kashitigu zvapa Madamburo kukunda uyezve kuenda pamusoro petafura.

Ngezi yave nemapoinzi gumi nemanomwe, poindi imwechete pamusoro peHighlanders neCaps United.

Murairidzi weNgezi Takesure Chiragwi anoti zvinhu zvavo zvirikufamba nekuti vatambi vaka vatamba vese kwenguva refu.

Mitambo yanhasi isati yatambwa Bulawayo Chiefs, Highlanders neCaps United dzanga dzakaenzana pamapoinzi gumi nemashanu, dzakasiyaniswa chete nezvibodzwa.

Asi Highlanders yaita mangange 0-0 neSimba Bhora, Caps United ndokuitawo mangange 0-0 neHwange muNational Sports Stadium.

Highlanders yave pachinzvimbo chechipiri nemapoinzi gumi nematanhatu vakaenzana neCaps United iyo iri pachinzvimbo chechitatu.

Asi mutsigiri wemaGreen Machine VaCharles Mukohoni vachiri nechivimbo kuti Makepekepe anotora mukombe.

FC Platinum iyo ine mukombe weligi uyu yadzikirira kusvika pachinzvimbo che… mushure mekurohwa neNgezi.

Mumwe mutambo watambwa nhasi Triangle 0 Yadah 0. Mutambo pakati peZPC Kariba neBlack Rhinos uchatambwa mangwana nemhaka yekushomeka kwedzinhandare muHarare.

Kunyange hazvo vasiri kutamba zvakanaka, murairidzi weBlack Rhinos avimbisa vatsigiri vavo mufaro mumazuva mashoma achatevera.

Chaminuka achangobva kupihwa basa rehurairidzi kuRhinos kutsiva Stanford Stix Mtizwa uyo ave technical director.

Black Rhinos ndiyo iri pasi pasi petafura nemapoinzi mashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG