Chikwata chenhabvu chine mukurumbira munyika, cheDynamos nhasi masikati chatambisa mukana wekuenda pamusoro petafura yeCastle Lager Premier Soccer League.
Chikwata ichi chaita mangange 0-0 neHerentals ndokutambisa mukana wanga wavhurika wekuenda pamusoro pegungano reCastle Lager Premier Soccer League iri.
Dai Dynamos yakunda yanga ichipinda mumapoinzi gumi nemashanu uye pamusoro peHighlanders nezvibodzwa sezvo Highlanders iri kutamba mangwana.
Asi izvi zvarambidwa ne”MaStudents” izvo zvasiya Dembare yadzika kusvika pachinhanho chechishanu yadarikwa zvekare neBulawayo Chiefs iyo yarova Sheasham 2-0.
Highlanders, iyo iri kutungamira gungano iri, ine mutambo mangwana neSimba Bhora musi uyo Caps United iri muNational Sports Stadium neHwange.
Ngezi Platinum Stars, iyo iri pachinzvimbo chechina uyezve iri kukwikwidzawo zvine mutsindo, iri kusangana neFC Platinum iyo ine mukombe uyu muBaobab Stadium mangwana zvekare.
Murairidzi weNgezi Platinum Stars, Takesure Chiragwi, anoti havasi kutya FC Platinum uyezve vari kutora mutambo uyu semimwe yese yavari kutamba.
Asi nyaya iri kungotaurwa nezvayo ndeye kukundikana kwe Dynamos kurova Herentals kuti ipinde panyanga.
Mumwe mutsigiri wechikwata ichi, VaClayton Maticha, vanoti murairidzi wavo Hebert Maruwa anofanira kuziva kuti vatsigiri veDynamos vanoda kufara masvondo ese saka anofanira kugadzirisa kuti chikwata chake chiite izvi.
Asi mumwe mutsigiri weDembare, VaTedius Bhunu, vanoti Maruwa anofanira kupihwa nguva yekuvandudza chikwata ichi kuti chikunde mumitambo yese yachinotamba.
VaTinwell Tafara, avo vanoti vanofarirawo Dembare zvekare vachiri nechivimbo kuti Maruwa achaunza mukombe weligi mumusha weDynamos mwaka uno.
Asi mumusha meBulawayo Chiefs hamuna kuchema sezviri kuitika mumba meDynamos.
Madzimambo aya ave pachinzvimbo chechina nemapoinzi gumi nemashanu zvekare zvichitevera mitambo yanhasi uyezve kurova Sheasham 2-0 kwavaita.
Mune mumwe mutambo wanhasi, Manica Diamonds ne Chicken Inn dzaita mangange 0-0.
Mumwe mutambo uriko mangwana uri pakati peTriangle neYadah muGibbo Stadium.
Mutambo pakati peZPC Kariba neBlack Rhinos uchatambwa neMuvhuro svondo rinouya nemhaka yekushomeka kwedzinhandare muHarare.
Zvikwata zvinoti Black Rhinos, Caps United, Cranbourne Bullets, Herentals, Dynamos, Simba Bhora, Yadah neZPC Kariba zvinoshandisa nhandare imwechete yeNational Sports Stadium.
Facebook Forum