Vagari vekumaruwa ekuChikombedzi, Chilonga neChambuta mudunhu reMasvingo vari kunetsa nevakuru vehurumende mudunhu ravo vari kunzi vari kuda kuchinja
zita remumwe musha unochengeta nherera, weChambuta Children’s Home, vachiutumidza zita remudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa.
Vagari ava vari kuti havawirirani nedano iri sezvo vasina kumbosumwa.
Vagari ava vanoti vakashamiswa madzishe nemasabhuku avo vave kuvasuma kumusangano wavakaita namudzviti wedunbhu reChiredzi, VaLovemere Chisema, svondo rino achivaudza kuti hurumende iri mubishi rekuchinja zita remusha uyu kuti unzi Auxilia Mnagangagwa Children’s Home.
Kuchinjwa kwezita iri kunotevera kutorwa kwemusha uyu nehurumende ichiuisa mumaoko aAmai Mnangagwa, avo vave kubatsira nherera dziripo nezvikwanisiro. Vamwe vagari vakaita saVaMelusi Chambuta, vanoti havana kupuwa mukana wekupa pfungwa dzavo pakuchinjwa kwezita iri kubva kuzita remadzinza avo muchirudzi chavo chechiShangani.
Sadunhu Vhelemu, VaLivingstone Chikutu, vanoti vakuru vemunharaunda kusanganisira madzishe havana kupiwa mukana wekupawo pfungwa dzavo nekudaro havagamuchiri zita idzva iri.
Izvi zvatsigirwawo naVaHapious Chikutu vekuChilonga, avo vati vakatorerwa musha wavo wenherera nechisimba.
Kuchinjwa kwezita iri kuri kuitwa nehofisi huru muMasvingo yegurukota redunhu reMasvingo yaVaEzra Chadzamira. Mudzviti wedunhu reChiredzi, VaChisema, vati nyaya yekuchinjwa kwezita iri kufambiswa nehofisi yegurukota redunhu reMasvingo uye vachiri kumbotora pfungwa dzevagari vemunzvimbo iyi.
Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vati vari mubishi rekufambisa hurongwa hwekuchinja zita uhu vachiti inzira yekutenda nayo basa guru riri kuita naAmai Mnangagwa rekuchengeta nherera paChambuta.
Asi vagari vanoti kunyange hazvo Amai Mnangagwa vari kubatsira musha uyu, hazvikodzeri kuti hurumende iutore nechisimba ichipa mudzimai wemutungamiri wenyika avo vave kutobvisa zita ravo rine hukoshwa hukuru hwemadzinza avo. Vagari ava vanoti vakatanga musha wekuchengeta nherera pamwe nekudzidzisa mabasa emaoko vana vanobva kumhuri dzinotambura makore gumi nemasere apfuura.
Pasati pave pamusha wenherera, waiva musha waigara vapoteri vekunyika yeMozambique avo vaitiza hondo pakati pehurumende neRENAMO uchinzi Chambuta Refugee Camp.
Pakavharwa kamba yevapoteri hurumende yakapa vagari musha uyu kuti vaite musha wenherera vakavamba sangano ravo rinonzi National Organisation of the Development of the Disadvanted (NODED), raitungamirirwa naMufundisi Nodie Mafukidze.
Mufundisi Mafukidze vati kubva pakatorwa musha wavo vaidzidziswa mabasa emaoko vakabva vamira uye vamwe havasisisna pekugara nekudaro vave kutoendeswa kuTongogara Refugee Camp kuChipinge.
Vagari vanoti zvidzidzo zvemabasa emaoko zvakaita sekuveza, kugadzira motokari, kubika pamwe nekusona zvaibatsira vechidiki vanotambura munharaunda umu asi havachabatsirikani sezvo musha uyu wave wekuchengeta nherera chete.
Facebook Forum