Accessibility links

Breaking News

Kunyange Nyika iri Pakati peKukohwa Zvirimwa Kubva muMinda, Vamwe Vanoti Vachakaomerwa neKushaya Chekudya


Varimi vakawanda vachiri kukohwa zvirimwa zvavo, uye vamwe vave kutogaisa chibage chavari kukohwa kuti vawane upfu.
Varimi vakawanda vachiri kukohwa zvirimwa zvavo, uye vamwe vave kutogaisa chibage chavari kukohwa kuti vawane upfu.

Kunyange sangano rinoongorora nekuyamura vanhu nezvekudya pasi rose reWorld Food Program-WFP-richiti huwandu hwevanhu vave kuda ruyamuro rwechimbichimbi munyika vari kuita vashoma nekuda kwekukohwa kwave kuitwa, vamwe vagari munyika vanoti hupenyu huchiri hwakavaomera.

WFP yakazivisa mugwaro rayo rinobatanidza mwedzi mina yakutanga kwegore kuti huwandu hwevanhu vari kuda ruyamuro huri kuderera zvekuti vanhu vangangosvika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 3.9 million chete ndivo vanoda ruyamuro rwechimbichimbi kusvika svondo rekutanga remwedzi waKubvumbi kana zvichienzaniswa nevanhu mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri kana kuti 4.2 million vaida ruyamuro rwechimbichimbi muna Kurume.

Mutevedzeri wemutauriri weWFP munyika, VaTatenda Macheka, vanotsigira zviri mugwaro ravo rinonzi, 'Zimbabwe Food Situation and Monitoring' iri.

WFP inoshanda nemasangano akaita seUSAID.
WFP inoshanda nemasangano akaita seUSAID.

Kunyange huwandu huri kunzi huri kudzikira, vamwe munyika vanoti zvinhu zvichiri zvakaoma sezvo zvinhu zvave kudhura muzvitoro.

Amai Brandina Mahove vekuHurungwe mudunhu reMashonaland West vanoti vari kutoomesa chibage kuti vagaise upfu asi vachiti havadye sadza rakadaro.

Amai Mahove vanoti zvinhu zvinoita kuti munhu ararame zvakaita seshuga, sipo, mafuta ekubikisa nekuzora nezvimwe zvave kudhura zvakanyanya muzvitoro.

Amai Mahove vanoti vanoongorora kurarama kwevanhu vanenge vanongotarisa zvekudya zvakaita sesadza chete kuti vati hupenyu hwave nani.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Joice Mhungu vekuMasvingo, avo vanoti hupenyu hwaomera vagari sezvo paine zvakawanda zvakaita semari dzechikoro nenhumbi dzechikoro zvinoda mari yakawanda, pamusoro pemari yechikafu.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti zvinhu zviri kudhura kumaruzevha kudarika mumaguta zvekuti marita maviri emafuta ekubikisa anoita madhora mana kusvika pamadhora mashanu ekuAmerica muzvitoro zvemumadhorobha anoita madhora anodarika manomwe kumaruzevha.

Upfu hunonzi hwave hudhura.
Upfu hunonzi hwave hudhura.

Mumwe anotengesa zvekudya kuMhangura, VaAnias Mberi, vanoti vanokwidza zvinhu sezvo vachienda kunozvitora kuChinhoyi, izvo zvinovatorera mari yakawanda yekufambisa nekutakurisa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaGilbert Muponda, vanoti kunyange vanhu vakawanda vave kukohwa hazvirevi kuti hupenyu hwave nyore.

VaMuponda vanoti hurumende inofanirwa kuyamura vagari vekumaruwa kuti varime zvirimwa zvinopa mari, kana kuti cash crop, kwete zvekungoti vadyare chibage sezviri kuitika pasi pezvironga zvekurima zvinotungamirwa nehurumende zvakaita sePfumvudza.

Kunyange nzvimbo dzakawanda dzakawana chibage, pane dzimwe dzakashaya zvekuti vagari vanotoda kuramba vachiwana ruyamuro, sekutaura kwaMambo Katizagombo vekwaZvimba.

Mambo Katizagombo vanoti dzimwe nzvimbo mudunhu ravo dzinoda kuramba dzichiwaniswa ruyamuro rwezvekudya sezvo mvura yemudenga yakakurumidza kuenda chibage chavo chisati chaibva.

Gurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima,
Gurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima,

Hatina kukwanisa kunzwa kugurukota rinoona nezvemagariro akanaka evanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima, sezvo vanga vasingadavire mbozhanhare yavo.

Asi gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka vakamboudza Studio 7 nguva shoma yapfuura kuti hapana munhu anofa nenzara sezvo vachange vachipa bazi rezvekuyamurwa kwevanhu chibage chinorikwanira.

Senzira yekugadzirisa dambudziko rekukwira kwemitengo yezvinhu, hurumende svondo rino yakaumba komiti ine makurukota matatu ichaongorora zviri kukonzera kukwira zvakanyanya kwemitemgo yezvinhu uku mukati memasvondo mashoma apfuura.

Vashandi vakawanda vari kuchemawo kuti mihoro yavo yasakadzwa nekuda kwekushaya simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Hurumende yakatozivisa kare kuti iri kutarisira kuwana matani mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu zvechibage mwaka uko, kana kuti 2.3 million tonnes, huwandu hunokwira nezvikamu makumi mashanu nezvisere kubva muzana, kana kuti 58 percent zvichienzaniswa negoho regore rapera.

Gore rino nyika inotarisira chibage chakawanda.
Gore rino nyika inotarisira chibage chakawanda.

Gore rino nyika iri kutarisirawo zvakare kukohwa matani zviuru mazana maviri nemakumi masere nemazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nematanhatu, kana kuti 280, 996 tonnes zvembeu diki dzakaita serukweza nemhunga, izvo zvagara zviri kukurudzirwa varimi kuti varime nekuda kwekuti hazvidi muvra yakawanda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG