Accessibility links

Breaking News

PepsiCo Yobatana neVatori Venhau Kukurudzira Zvirongwa Zvakaita sePfumvudza


Pfumvudza, Bikita Masvingo
Pfumvudza, Bikita Masvingo

Sangano reAssociation of Foreign Press Correspondents muAmerica rabatana nePepsiCo mukuita hurukuro yezvakanakira kurima kusingakanganise ivhu nemamiriro ekunze kana kuti "Regenerative Agriculture."

Vari kupinda mumusangano wanhasi vanosanganisira nyanzvi munyaya dzezvekurima nevatori venhau kubva kunyika dzakasiyana siyana. Musangano uyu uri kuitirwa padandemutande reZOOM.

Musangano wanhasi uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekuti nzira yekurima iyi inokwanisa kubatsira varimi nevanhu munguva yekushanduka kwemamiriro ekunze kane kuti “Regenerative Agriculture: A Powerful Tool to Fight Climate Change”.

Mukuru wesangano revatori venhau reAssociation of Foreign Press Correspondents VaThanos Dimadis vatenda kuti donzvo ravo nderekui vanhu vanzwisise nezvekurima kwakadai kunobatsira sezvo vakawanda vatarisana nenzara iri kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.

Mumwe wevanamazvikokota vataura pachiitiko ichi vanosanganisira VaJim Andrew, mutevedzeri wemutungamiri wekambani uye mukuru anoona nezvekuchengetedzwa nemashandiro akanaka muPepsiCo kana kuti Executive Vice President, Chief Sustainability Officer vati kambani iyi yakagadzirira kushanda nevarimi kusimudzira goho rawo.

Mumwe ataura ndiMuzvinafundo Abbey Wick weku North Dakota State University, anovawo nyanzvi yehutano hwevhu uye muvambi weWick Consulting- Extension Soil Health Specialist and Associate Professor avo vatiwo zvakakosha kubatsira varimi nenzira itsva idzi kuwedzera goho revarimi.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varimi reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Maiwepi Jiti vanoti Zimbabwe yakatotanga kumhanya nezvirongwa zvemarimiro eRegenerative Agriculture.

Izvi zvatsinhirwa neimwe nyanzvi munyaya dzekurima VaNickros Kanjengo vati regenerative agriculture yabatsira zvakanyanya uZimbabwe nepasi rose.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden ndemumwe ari kukurudzira kurima kwakadai kuyedza kugadzirisa dambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze.

Kunyika dzekumawirira kweAfrica vakawanda vari kubatsirwa naMuzvinafundo Godfrey Nzamujo vekuBenini vanoitawo inonzi “zero farming” vasingatenge fotereza asi kushandisa manyowa ezvipfuyo nezvimwe. Vari kubatsira neruzivo vamwe varimi kubva kuNigeria, Uganda, Sierra Leone neLiberia.

Nyaya yekushanduka kwemamiro ekunze yapa kuti dzimwe nzvimbo dzitadze kunaya dzimwe dzichiitawo mafashamu asi sezvo zvichikonzera nzara munyika dzakawanda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG