Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvotanga Kudzinga Vana Vasina Kubhadhara Mari yeDzidzo


Zvimwe zvikoro munyika zvinonzi zvatanga kudzosera vana kumba nenyaya yekutadza kubhadhara mari yedzidzo kunyangwe hurumende ichiti hapana vanofanira kudzoserwa kumba nekusabhadhara. Vamwe varairidzi vari kutiwo vanogona kukanda mapadza pasi nekuda kwemihoro yavari kutambiriswa.

Mutauriri webazi rezvedzidzo repasi, VaTaungana Ndoro, vati hakuna mwana anofanirwa kudzingirwa nyaya dzekushaiwa mari yechikoro munyika.

Asi zvikoro zvakawanda mumadhorobha akaita seMasvingo, Bulawayo, Harare neGweru pamwe nekumaruwa zviri kudzinga vana vasina kubhadhara mari dzechikoro muzuva repiri nhasi kubva zvavhurwa zvikoro nezuro.

Mumwe mukuru wechikoro chekuBuhera aramba kudomewa nezita sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau audza Studio 7 kuti vana vanofanira kubhadhara mari yedzidzo chikoro chichitanga kuti vakwanise kuwana zvikwanisiro.

Vamwe vabereki vanoti vange vasati vabhadhara mari dzechikoro sezvo vakamirira kuti mwedzi upere vatambiriswe.
Mumwe mubereki ane mwana adzingwa nhasi paDikwindi Primary school muMasvingo, Amai Tracey Musakarukwa, vati zviri kuvashungurudza kuti vana vari kudzingwa asi hurumende ichiti hazvibvumidzwi.

Vakuru vezvikoro vari kuti vanoda mari mberi kuti mwana apinde mugedhe rechikoro. Izvi zviri kushorwa nevamwe vabereki vakaita SaAmai Beatrice Masori, vane mwana anodzidza paRunyararo primary school kuChivhu adzingwa.

Vabereki vane vana vanodzidza pazvikoro vachibva kudzimba mumadhorobha vari kubhadhara mari dzinotangira pazana remadhora ekuAmerica kusvika kuzana nemakumi mashanu US$100 kana US$150.

Vari kumabhodhingi vari kubhadhara mari dzinotangira pamazana mana kusvika pamazana mashanu emadhora ekuAmerica, US$400 kusvika $500.

Mukuru wesangano rinoona nezvebudiriro muzvikoro reschool Development Associations VaBanny Manokore vaudza Studio 7 kuti vabereki havafanire kumanikidzwa kubhadhara nemari yekuAmerica chete.

Vamwe vashandi vehurumende vataura neStudio 7 vanoti vanotambira madhora mazana maviri chete ekuAmerica neimwe yemunyika iri kushaya simba zuva nezuva nekudaro zvakavaomera kuti vakwanise kuunganidza mari yechikoro.

Gurukota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vakaudza Studio 7 kuti vanozviziva kuti mari iri kushaya simba nekudaro vakagadzirira kutaura nevashandi. Mamwe masangano evarairidzi ari kuti achadzidzisa mazuva maviri chete nekuti havana mari yekufambisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG