Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Vamwe Vabereki Vachinyunyuta NekuBhadhariswa Mari yeDzidzo NeMadhora ekuAmerica


Zvikoro zvavhurwa nhasi asi vabereki vakawanda vari kuchema chema kuti havasi kukwanisa kubhadhara mari dzedzidzo sezvo zvimwe zvikoro zviri kuti zvinoda madhora ekuAmerica pane chimwe chikamu. Izvi zvave kutyirwa kuti zvichapa kuti vana vakawanda vatadze kuenda kuchikoro.

Zvikoro zvakawanda kusanganisira Chinhoyi High, Kutama High, Falcon College, Northwood Seventh Day Adventist zvakaudza vabereki kuti vanofanira kubhadhara imwe mari iri mumadhora ekuAmerica. Mumwe mubereki ane mwana paChinhoyi High VaIsrael Nyandoro vanoti izvi hazvisi nyore.

Asi mumwe mubereki ane mwana paKutama Mission VaRichmond Mangeya vanoti hapana hapo chakaipa kubhadhara mari yechikoro nemadhora ekuAmerica.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi nepamusoro VaTaungana Ndoro vanoti zvikoro hazvifanire kubhadharisa mari dzisina kutenderanwa nevabereki.

Sachigaro wekomiti inofambisa mabasa paChinhoyi High VaBlessed Mhlanga vanoti vabereki ndivo vakasunga chisungo chekuti vabhadhare mari yemadhora ekuAmerica vachiti zviri pamutemo.

Vabereki vane vana paNorthwood Seventh Day Adventist vanonzi vabhadhare mari iri pakati pemazana matatu nemazana masere kana kuti US$375 ne US$890. Vari paFalcon vanonzi vabhadhare mari inodarika zviuru zvishanu kana kuti US$5 665.

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti hurumende yakabvuma kuti chimwe chidimbu chemari dzechikoro chinogona kubhadharwa nemadhora ekuAmerica kana vabereki zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% vakazvitambira.

Mutungamiri wesangano rinomiririra vadzidzisi reAlmagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vanoti zvikoro zviri kungotevedzera hurumende iyo yave kubhadharisa zvose zvainoita nemadhora ekuAmerica.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaTakavafira Zhou vanoti sezvo vakawanda munyika vachitambira mari dzeihoro nemari yemunyika vanofanirwa kubhadharawo nemari yavanowana.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti vabereki havafanirwe kuponderwa musaga sekatsi.

Nyanzvi munyaya dzedzidzo dzinoti nyaya yekuwedzerwa zvakanyanya kwemari dzechikoro ichapa kuti vana vakawanda vagume ogara kumba.

Kubva muma 2020 pakatanga daambudziko reCovid-19, sangano reUnion of Education Norway rakabatana neZIMTA rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti vana zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20% muZimbabwe vakasiira chikoro panzira. Imwe ongororo yakaitwa neUNICERF inoratidzawo kuti huwandu hwevana vari kusiira chikoro panzi wasvika zvikamu makumi mana nemanomwe kubva muzana kana kuti 47%.

Hurumende dzinokurudzirwa neUnited Nations kuti dziendese zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20% kudzidzo. Asi mubhajeti regore rapera gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vakapa bazi iri zvikamu gumi nezvina kubva muzana kana kuti 14% chete.

VaNcube vakati vainge vaisa mari inosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu kana kuti 1,5 million Zimbabwe dollars kuhomwe yeBEAM inobatsira varombo. Asi kwemakore vabereki vanochema chema kuti mari idzi hadzifambiswe zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG