Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Vochema neMitengo yeFodya kuMisika Iyo Vanoti Haisi kuChinja


Varimi vefodya vachitengesa fodya yavo.
Varimi vefodya vachitengesa fodya yavo.

Vamwe varimi vefodya munyika vari kuchemachema kuti mitengo yefodya haisati yachinja kwemakore ane chitsama vachiti izvi zvave kuita kuti vanetseke kudzokera mumunda.

VaMorris Ndanga vave nemakore gumi nemasere vachirima fodya kuHarare South pedyo nekuBeatrice kunze kweHarare. VaNdanga, avo vanga vachitengesa fodya yavo kumusika weTian Ze muHarare, vati zvisinei nekukwira kuri kuita zvinhu, mitengo yefodya pamusika wefodya haisi kushanduka.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe murimi, VaFoster Gwanzura, vanorimawo fodya vachibatsirwa neTian Ze. VaGwanzura vati vachitanga kurima nekambani iyi fodya yaitengwa nemutengo urinani asi vachiti mitengo yavari kuwana gore rino yakaderera zvakanyanya.

Varimi vefodya vari pamusika wefodya
Varimi vefodya vari pamusika wefodya

VaGwanzura vati kunyangwe hazvo vachitengerwa zvekurima zvese neTIAN ZE pamwe nekubatsirwa kuwana michina nezvekushandisa pakurima nekuomesa fodya, vati dzimwe dzenguva bhizimusi ravo rekurima fodya iri riri kuvasiya vasina chavanacho kana kusara nezvikwereti kumakambani aya.

VaAlbert Chakala vanorima pasi peForester Estates kuMvurwi vadembawo kuhurumende kuti idzikewo mitengo yefodya sezvainoita kune zvimwe zvirimwa, kwete kuti mutongo utarwe nevanotenga fodya.

Fodya inotengeswa kumisika yefodya uye vatengi ndivo vanotara kuti mhando yefodya yauya nemurimi inoita marii.

Sachigaro weTobacco Growers Association, VaBright Bvukumbwe, vaudza Studio kuti varimi munyika vari kuchemachema nemutengo, asi vakati dambudziko guru nderekuti kudzimwa-dzimwa kwaiitwa magetsi kwakange kwakanyanya izvo zvakakanganisa zvakanyanya kuomeswa kwefodya gore rino.

VaBright Bvukumbwe
VaBright Bvukumbwe

Vati izvi zvaita kuti fodya itengwe nemutengo wepasi sezvo isina kubuda zvakanaka.

Varimi vanga vachitengesa fodya vatiwo fodya yakadyarwa ichimirira mvura yemudenga ine mari iri pasi zvekuti imwe iri kutotengwa nemari iri pasi pemadhora maviri ekuAmerica pakirogiramu sezvo yakaita mavara nekuda kwemvura yakawandisa. Asi vati fodya inorimwa nemadiridziro ndiyo yakabuda zviri nani.

Studio 7 yataura nevarimi ava pakushanya kwevatori venhau kukambani inoshanda nevarimi kurima nekutenga fodya yeTian Ze yekuChina.

Mukuru weTian Ze uye variwo sachigaro wemabhizimusi ekuChina muZimbabwe, VaWenjie Li, vati mari yemutengo wefodya inoenderana nezvinenge zvichiitika kumusika wepasi rese, nekudaro havanawo zvavanogona kuita.

Vatiwo shuwiro yavo ndeyekubatsira varimi munyika kuti vakwanise kurima fodya.

Vachibvunzwa kuti sei vasingaisi maindasitiri anovandudza fodya munyika muno kuitira kuti zvigadzirwa zvinobva kufodya zviunzewo mari yakawanda munyika pamwe nemabasa pane kuiburitsa munyika yakadaro, VaLi vati mhando yefodya dzavanozogadzira dzinoda kusanganiswa nezvimwe zvakawanda, kana kuti blending, zvisingawanikwi munyika.

Fodya
Fodya

Vatiwo fodya yavari kuwanawo munyika ishomawo vachiti zvirinyore kugadzira zvinhu kuChina sezvo kuri iko kune zvakawanda zvavanoshandisa. Asiwo vati mukufamba kwenguva vachavaka maindasitiri efodya munyika.

Kambani iyi ine varimi vanosvika mazana maviri vainobatsira kurima fodya munyika uye inoti kubva kuvarimi ava, inowana makirogiramu mamiriyoni makumi matatu kana kuti 30 million kgs dzefodya.

Tian Ze inoendesa fodya yainotora muZimbabwe kuChina Tobacco.

Fodya iri pamusika
Fodya iri pamusika

Musika wefodya wegore rino wakavhurwa musi wa 08 Kurume pachiziviswa kuti varimi vaizowana zvikamu makumi masere nezvishanu kana kuti 85 percent, zvemari dzavo dziri mumadhora ekuAmerica, zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana zvemari dzinenge dzasara zvichinzi zvinozobhadharwa zviri mumadhora emunyika.

Varimi vangangosvika kuzviuru zana nemakumi matanhatu, kana kuti 160,000 vanorima fodya muZimbabwe, iyo inozotengeswa kunyika makumi matanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG