Accessibility links

Breaking News

Kugariswa Mujeri KwaVaJob Sikhala naVaJacob Ngarivhume Kwokonzera Gakava Munyika


Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vakatongerwa kugara mujeri kwemakore mana.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vakatongerwa kugara mujeri kwemakore mana.

Vezvematongerwo enyika, vanorwira kodzero dzevanhu, pamwe nevamwe vana veZimbabwe vanoti vari kushushikana zvikuru nekukandwa mujeri kwemutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume pamwe nenhengo yeCitizens Coalition for Change, uye vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala kuitira kuti vasakwikwidze musarudzo dzegore rino.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe vanoti zviri pachena kuti vaviri ava vari kushungurudzwa mune zvematongerwo enyika vachiti havana kana mhka dzavakapara.

Doctor Zembe vanoti zviri pachena kuti hurumende yeZanu PF iri kushandisa matare zvisizvo, vachipa muenzaniso wemitongo yakapiwa nematare yavanoti yakaita kuti bato raVaNelson Chamisa rirasikirwe nemahofisi pamwe nemari.

VaNgarivhume vakawanikwa nedare svondo rapera vaine mhosva yekukurudzira mhirizhonga muna 2020, vakatongerwa kugara mujeri kwemakore mana, kunyange hazvo vakazobvisirwa gore rimwe chete.

VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Ukuwo, neChitatu dare ramejasitiriti rakawana VaSikhala, avo vari kujeri reChikurubi kwavakamirira kutongwa padzimwe mhosva dzavari kupomerwa, vaine mhosva yekuvhiringidza kufambiswa zvakanaka kwemutemo panyaya yekupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali, vanove nhengo yebato ravo.

VaSikhala vakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu iyo yakazosendekwa parutivi vachinzi vabvise mari yefaindi inoita madhora mazana matanhatu ekuAmerica, kukundikana kwavo vaenda kujeri kwemwedzi mitanhatu.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vakashoropodzawo mitongo yevaviri ava vachiti mucherechedzo wekuratidza kuri kuenda nyika.

Ukuwo vanotungamira bato rinopikisa muSouth Africa, reEconomic Freedom Fighters, EFF, vakatiwo vakakatyamadzwa nemutongo wakapiwa kunaVaNgarivhume kuZimbabwe, vakakurudzira vana veZimbabwe kuti vadzidze kudzivirira vanhu vanotaura vakavamirira.

VaJulius Malema
VaJulius Malema

Asi hurumende yagara zvayo inoti haipindire mune zvinoitika kumatare.

Vakafanobata chigaro chasachigaro veZanu PF mudunhu reBritain, VaXavier Zvavare, vanoti vanhu vari kungotaura zvavasina ruzivo nazvo zvekuti kusungwa kwevaviri ava kune zvematongerwo enyika vachiti zviri pachena kuti vaviri ava vakatyora mitemo, nekudaro vanofanirwa kurangwa nemutemo.

VaZvavare vanoti hurumende haingapedzeri miseve panaVaNgarivhume naVaSikhala nekuti ihove duku kwazvo munyaya dzezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG