Accessibility links

Breaking News

Mauto eAmerica Oburitsa Vashandi veMuzinda Wayo MuSudan Mune Kurwisana Kwakasimba


Sudan
Sudan

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vanoti nezuro mauto emunyika mavo ane hunyanzvi hwepamusoror soro kana kuti “Special operations forces” vakakwanisa kuburitsa muKhartoum, Sudan vashandi vemuzinda wayo nemhuri dzavo vanosvika zana.

MuSudan mune hondo inotyisa pakati pemauto ari kutungamira nyika nevakaipandukira veRapid Special Forces. VaBiden vakati nyika yavo yakabatsirwa nenyika dzinoti Dibouti, Ethiopia neSaudi Arabia.

Vanhu vanodarika mazana mana vafa muhondo yakatanga musi wa15 Kubvumbi iyi. Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzan nedzimwe nyika Doctor Frederick Shava kuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSudan here.

Mativi ari kurwisana ari kuramba kurudziro yekuti akande zvombo pasi. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vati kubuditswa kwaitwa zvozvarwa zveAmerica musudan kunoratidza kuti hondo yasvika pakaipisisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG