Accessibility links

Breaking News

Mauto eSudan Anovimbisa Kubatsira Kuburitswa kweZvizvarwa zveAmerica, Britain, China neFrance Kubva muKhartoum


Vakuru vemauto vane zvikwata zviri kurwisana muSudan.
Vakuru vemauto vane zvikwata zviri kurwisana muSudan.

Apo kuriswana muKhartoum pakati pezvikata zvemauto evakuru vemauto vaviri kwaenderera mberi muSudan neMugovera, mukuru wemauto ehurumende, General Abdel Fattah al-Burhan, vazivisa kuburikidza negwaro ravaburitsa kuti mauto avo achabatsira kuburitswa kwevashandi vemizinda pamwe nezvizvarwa zvenyika ina.

General Abdel Fattah al-Burhan vazivisa kuti vachabatsira vashandi vemizinda yenyika dzinoti America, Britain, China, neFrance “mumaawa anotevera.”

Sezvo kurwisana kuri kunzi kuri kuitika munzvimbo dzakatenderedza nhandare yendege yeKhartoum International Airport, hazvisati zvazivikanwa kuti kuburitswa kwevanhu uku kunoenderera mberi sei?

Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica haana kukwanisa kutenda kana kuramba kuVoice of America kuti mashoko ekuti mauto eSudan abvuma kubatsira kuburitsa zvizvarwa zveAmerica nedzimwe nyika kubva muKhartoum, ndeechokwadi here kana kuti kwete.

Mutauriri uyu audza VOA kuti vari kuramba vachibatana nemuzinda weAmerica uri muKhartoum kuti vawane zvizere mashoko ari pamusoro pevashandi vavo. Asi mutauriri uyu ati haangakwanise kutaura pamusoro pemafambiro avo kana kwavari.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG