Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana nePasi Rose muKucherechedza Zuva reKuchengetedzwa kweZvakatikomberedza, reEarth Day


Kucherwa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo kunonzi kuri kuwedzera kuparadzwa kwezvakatikomberedza munyika.
Kucherwa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo kunonzi kuri kuwedzera kuparadzwa kwezvakatikomberedza munyika.

Apo pasi rose riri kucherechedza zuva rekutsigira kuchengetedzwa kwezvakatikomberedza, re Earth Day nhasi, dzimwe nyanzvi dzinoti nharaunda nemasangano zviri kukanganiswa zvakanyanya nemabasa evanoita zvezvicherwa, kunyanya vanochera goridhe zvisiri pamutemo.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dzine mukurumbira nenyaya yezviwanikwa zvakasiyana siyana, zvinosanganisira zvicherwa zvakakosha pamwe nemhuka.

Asi vamwe vanoti hupfumi uhu huri kuunza matambudziko akawanda kusanganisira kuparadzwa kwemasango uye kukukurwa kweivhu rinozozadza nzizi nemadhamu izvo zvinoita kuti mvura ive shoma.

VaFarai Maguwu ndivo mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance. VaMaguwu vanoti zuva iri rakakosha zvikuru sezvo richiyeuchidza vana veZimbabwe nekukosha kwezvakatikomberedza. Vanoti zvezvicherwa hazvifanirwe kuitwa zvisina mwero.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu
Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu

VaMaguwu vanotsinhira maonero evakawanda ekuti masango nenharaunda zviri kuparadzwa munzvimbo dzakasiyana siyana dzemunyika.

VaNqobizitha Ndlovu igweta uye chipangamazano munyaya dzezviwanikwa.

Vanoti Zimbabwe ine mitemo yakajeka yekuchengetedza nharaunda asi chakakosha ndechekuti mitemo iyi inotevedzerwa here?

Mutauriri weEnvironmental Management Authority, kana kuti EMA, Amai Joyce Chapungu, vanoti boka ravo rinoshanda nemapazi nemasangano ehurumende akasiyanasiyana mukuchengetedza zvakatikomberedza.

Kuparadzwa kwemasango nenharaunda kunyanya kunoitwa nevanochera goridhe zvisiri pamutemo ndechimwe chezvichemo zvakataurwa nezvazvo zvikuru pamusangano unoitwa gore rega rega wemadzishe uyo wakaitwa muBulawayo mwedzi wapera.

Munyori mukuru mubazi rezvezvicherwa VaPfungwa Kunaka vakavimbisa kuti mutemo wezvicherwa uri kuvandudzwa uchabatsira kugadzirisa izvi.

Pataenda pamhepo, gurukota rezvezviwanikwa nekushanyirwa kwenyika, VaNqobizitha Mangaliso Ndlovu vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira.

Zuva reEarth Day rinocherechedzwa musi wa22 Kubvumbi gore rega rega senzira yekukurudzira kuchengetedzwa zvakanaka kwenharaunda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG