Accessibility links

Breaking News

Kurwisana Pakati peMauto eHurumende neChikwata cheRapid Support Forces muSudan Kunopinda muZuva rePiri


Kurwisana pakati pemauto ehurumende yeSudan nechikwata cheRSF kwasimudza kutya kukuru muKhartoum nenyika yose.
Kurwisana pakati pemauto ehurumende yeSudan nechikwata cheRSF kwasimudza kutya kukuru muKhartoum nenyika yose.

Masangano enhau eReuters neAgence France-Presse anoti kurwisana muguta guru reSudan,reKhartoum, uko kwakatanga neMugovera, kwapinda mumangwanani emusi weSvondo zvichitevera kurwisana kwakasimba pakati pemauto ehurumende nezvikwata zvine mauto azvo.

Vaona zvichiitika vanoti kuputika kwezvombo kwavharira migwagwa yemuKhartoum.

Chikwata cheRapid Support Forces (RSF) chati chatora muzinda unogara mutungamiri wenyika, imba inogara mukuru wemauto, nhepfenyuro yeterevhizheni yehurumende pamwe nenhandare dzendege muKhartoum, guta remaodzanyemba reMerowe, El Fasher nedunhu reWest Darfur.

Asi mauto ehurumende aramba mashoko aya, uye mumashoko kuvatori venhau mukupera kwezuva musi weMugovera mauto ehurumende yeSudan emuchadenga akurudzira veruzhinji kuti vagare mudzimba apo ari kuenderera mberi nekurwisa makamba echikwata cheRapid Support Forces.

Sangano rinomirira vanachiremba, reSudanese Doctors' Union, rati kurwisana pakati pemauto ehurumende nechikwata ichi neMugovera kwakasiya vanhu vangangosvika makumi maviri nevashanu vafa uye vamwe zana nemakumi masere nevatatu, 183, vafa..

Munyori mukuru weUnited Nations, VaAntonio Guterres vakurudzira kumiswa kwekurwisana nekuchimbidza uye vakurukura nemutungamiri weEgypt VaAbdel Fattah al-Sisi pamwe nasachigaro veAfrican Union, VaMoussa Faki, nzira dzekuderedza nadzo kurwisana uku.

Kurwisana uku kwaitawo kuti pasi rose rivhunduke.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG