Vatendi vechiKristu munyika vabatana nevamwe pasi rose kupemberera zuva rekumuka kwaJesu Kristu kubva muvakafa. Vatendi vaita izvi nenzira dzakasiyana siyana kusanganirisa kuimba, kudya nekunamata.
Pope Francis vekereke yeRoman Catholic vatungamira hurongwa uhu kumuzinda wavo weVatican.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reWorld Council of Churches Reverend Kenneth Mtata vaudza Studio 7 kuti zuva ranhasi yeSvondo yekumuka kwaJesu rakakosha zvikuru muchitendero chechiKristu. Vati izuva rinoratidza kukunda rufu uye zvitadzo.
Facebook Forum