Accessibility links

Breaking News

Dynamos, Caps United neHighlanders Pane Chikwata Chingasimudze Mukombe wePSL Here Gore Rino?

Caps United
Caps United

Zvikwata zvine mukurumbira Caps United, Dynamos neHighlanders zvasimudza makundano emwaka uno zvine mutsindo wakasimba, izvo zvisati zvaitika kwemakore akati wandei.

Zvikwata zvitatu izvi zviri pakati pezvikwata zvina zviri pamusoro pegungano rePremier Soccer League izvo zvisati zvamboitika kwemakore akawanda.

Caps United ndiyo iri kutungamira makundano aya nemapoinzi gumi asi ingangodarikwa nezvibodzwa neDynamos iyo ine mapoinzi manomwe asi iine mutambo mangwana neCranbourne Bullets muNational Sports Stadium.

Highlanders iri pachinzvimbo chechitatu nemapoinzi masere, poindi imwechete pasi peFC Platinum iyo iri pachinzvimbo chechipiri.

Asi mubvunzo ndewekuti Caps, Dembare, neBosso, dzicharamba dzichitamba nhabvu zvakasimba here zvekuti dzitore mukombe wePSL uri mumaoko eFC Platinum kubva muna 2017 ?

Mutsigiri weDynamos VaBest Munyuki vanoti semaonero avo mukombe mwaka uno uri kutorwa neCaps United kana nechikwata chavo.

Mutsigiri weCaps United VaMunyaradzi Musavengana vanoti gore rino zvinhu zvavo zvakarongeka zvekuti mukombe ndewavo.

Asi muongorori wemutambo wenhabvu VaKudzai Bere vanoti zvana Caps United nana Dynamos kutungamira kwetirakita asi FC Platinum ndizvo.

Mutsigiri wechikwata cheBlack Rhinos VaMoses Chipeta vanotiwo havasi kuona chimwe che zvikwata zvitatu zvine mbiri izvi chichitora mukombe weligi uyu.

Asi murairidzi weManica Diamonds Jairos Tapera anoti veruzhinji varikutarisa zvikwata zvisirizvo vachisiya maGem Boys.

Pazvikwata zvitatu zvine mbiri munyika, Caps United ndiyo yakapedzisira kutora mukombe weligi muna 2016 apo yairairidzwa naLloyd Chitembwe uyo ari kurairidzawo chikwata ichi nanhasi.

Dynamos yakapedzisira kutora mukombe uyu muna 2014 ichitungamirirwa naCalisto Pasuwa uye ari kushura mare kuMalawi. Asi Highlanders yakapedzisira kare kare kupemberera kutora mukombe uyu muna 2006 ichirairidzwa naMethembe Ndlovu.

Asi vatsigiri vayo avo vari kuenda kunoona nhabvu kudarika vamwe vose vemunyika mwaka uno vanoti vari kutarisira kuti zvinhu zvinoshanduka chete mwaka uno.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG