Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yomanikidzwa Kutaura neZveAl Jazeera Mushure Mekumboti Ndezve Mugotsi Matsuro


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa nemunyori mukuru mubazi ravo VaNick Mangwana
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa nemunyori mukuru mubazi ravo VaNick Mangwana

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa nhasi vaita musangano nevatori venhau kumahofisi ehurumende eMunhumutapa muHarare vakataura kekutanga nezvehuwori huri kupomerwa vamwe vakuru muhurumende nevavanodyidzana navo nenhepfenyuri yeaAl jazeera mukutengeswa kwegoridhe uye kucheneswa kwemari dzakasviba munyika kana kuti “money laundering.”

Amai Mutsvangwa vati hurumende ichatora matanho akaomarara kune vanenge vabatwa nemhosva.

Amai Mutsvangwa vaudza vatori venhau kumahofisi eMunhumutapa muHarare kuti hurumende ichatora matanho pahuwori hunonzi huri kuitika.

Vati hurumende inoremekedza zvibvumirana zvayakanyorerana nedzimwe nyika pakurwisa huwori.

Amai Mutsvangwa vati pane vamwe vari kubuda muongororo yeAl Jazeera vachikanda mazita evakuru vehurumende vachatorerwa matanho. Vamwe vari kubuda vakaita saVaUebert Angel naVaRikki Doolan vari kuti zvose zvavanoita zvinoropafadzwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Asi vave kuti vaingotaura kuda kuona kuti vanhu vaiti vaida kuchenesa mari dzakazsviba vaitaura chokwadi here.

Amai Mutsvangwa vashoropodzawo vamwe vanodyidzana nebato reZanuPF vari kubuda vachiratidza kushaya hanya nehuori hunonzi huri kuitika munyika uhwu.

Mumwe vevari kushorwa nevamwe munyika ndiVaPassion Java avo vakaita vhidhiyo yazara pamadandemutande vachibvunza ruzhinji rwenyika kuti saka vachaita sei mushure mekuziva kuti goridhe pamwe nemari zvirikubudiswa zvehukoronyera.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato rinopikida reCitizens Coalition for Change VaGift Ostallos Siziba vati bato ravo ranga richitokahadzika nekunonoka kwehurumende kutaura nezvenyaya iyi.

Asi pamashaoko aAmai Mutsvangwa ekuti hurumende ichaferefeta, mumwe mukuru anoona nezvekubudiswa kwemashoko mubato rinopikisa reMDC VaChengetai Guta vati hazvigoni kuti nyoka huru izvirume.

Mukuru wesangano rinorwisa huwori reTransparency International Zimbabwe VaTafadzwa Chikumbu vati tarisiro yavo ndeyekuti hurumende izivise veruzhinji zvainenge yaferefeta.

Al Jazeera kusvika parizvino yaburitsa zvikamu zviviri. Chikamu chechitatu chinotarisa zviri kuitwa kuDubai kunyanya nevamwe vanamuzvinabhizimisi vanoti vari kudyidzana nevakuru muhurumende yeZimbabwe uyo kuda kuurayiwa kwemumwe ari kuita huwori chiri kubuda musi weChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG