Accessibility links

Breaking News

Al Jazeera Yokonzera Kugedageda kweMeno Zita raVaMnangagwa Richiramba Richikandwa Mudariro


UMongameli Emmerson Mnangagwa
UMongameli Emmerson Mnangagwa

Nhepfenyuro yeAl Jazeera nezuro yakaburitsa chikamu chechipiri chehuwori hunonzi huri kuitwa mukutengeswa kwegoridhe munyika uye kucheneswa kwemari yakasviba muZimbabwe kana kuti money laundering.

Tsvakiridzo yakaitwa muchivande nevatori venhau venhepfenyuro iyi rinonzi Gold Mafia. Ichi chikamu chechipiri pane zvina zvakaitwa neAl Jazeera.

Vamwe vane mazita ari kuburitswa vachiita zvehuwori anosanganisira VaKamlesh Pattni, Muzvare Henrieta Rushwaya, VaUebert Angel, VaAlistair Mathias, VaEwan Mcmillan uye VaSimon Rudland. Vamwe vari kubuditswa vanosanganisirawo Mohammed Khan anozivikanea nekuti Mo Dollars anobatsira VaRudland kuchenesa mari dzakasviba.

VaRudland vanonzi ndiye mumwe anehupfumi hwakawanda muridzi wekambani yeGold Leaf Tobacco inotengesa fodya kuSouth Africa.

Muna 2022, South Africa Revenue Service yakamupomera VaRudland mhosva yekutengesa fodya zvepamukoto. Magwaro ari kuburitswa neAl Jazeera anonzi anoratidza kuti VaRudland vanokweretesa imwe mari kuhurumende yeZimbabwe.

Hurumende yeZimbabwe inonzi inozopa VaRudland mukana wekuchenesa mari dzake dzakasviba muZimbabwe kuburikidza neFidelity Printers nebhanga guru renyika.

Imwe shoroma inonziwo inoita zvekuchenesa mari nekuba goridhe VaEwan Macmillan vanoti VaRudland ndivo vakabata hupfumi hweZimbabwe yose.

VaRudland vanonzi vaishanda namushakabvu Sibusiso Moyo vaive gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Miners Federation Muzvare Henrietta Rushwaya vanonzi vane hukama nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mumwe ari kubuditswa achiti ndiye anoburitsa nekupinza mari dzakasviba munyika pamwe negoridhe.

Mumwe mushandi weCivil Aviation Authority anoona nezvekuchengetedzwa kwenhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport VaCleopas Chidodo anoti anopihwa mari yechiokomuhomwe kubatsira kuburitsa zvicherwa nemari munyika achishanda nechikwata chake. Vari kupinza nekuburitsa mari muZimbabwe ava vanonzi vari kushanya nemakoronyera makuru pasi rose.

Asi chiri kurwadza vakawanda munyika kusanganisira nhengo dzeparamende inyaya yekuti hurumende haina zvayati yautaura pamusoro penyaya iyi kunze kwekuvhundutsira vatapi venhau.

Mumiriri weHarare North muNational Assembly, Allan Markham, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi iri kuvashusha uye vakatoikwidza kuparamende asi havana mhinduro inogutsa yavakakwana. Hatina kukwanisa kubata mutauriri weparamende VaJacob Mudenda.

VaMarkham vati mutauriri weparamende akavaudza kuti gurukota rehurumende rine chekuita nenyaya iyi richatura mashoko kuparamende asi havana chivimbo chekuti izvi zvichaitika.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekushandiswa kwemari yehurumende yePublic Accounts Committee sezvo sachigaro wekomiti iyi VaBrian Dube vange vasiri kudaira nhra mbozha yavo.

Imwe nhengo yekomiti iyi, VaEdwin Mushoriwa vaudza Studio 7 kuti nyaya yakabuda paAl Jazeera, inotyisa ye inofanira kuongororwa.

Asi vamwe vakaita saVaMasimba Mavaza veZanu-PF vati hapana zvine musoro zviri kutaurwa neAl Jazeera vachiti vanhu vashoma vasiri muhurumende vari kuba nekukanda zita raVaMnangagwa.

Sangano reTransparanecy International riri kukurudzirawo hurumende yeZimbabwe kuti iferefete nyaya iyi.

Muzvare Rushwaya vakaudza Studio 7 kuti vachazotaura kana nyaya iyi yapera uye vamwe vakaita saVaRudland nevamwe vanonzi vakabatwa nemambure enyaya iyi vari kuramba kuti vari kuita zvehuwori.

Gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya uye veFidelity Printers and Rifineries vari kurambawo mhosva dzavari kunzi vari kuita.

Vari kupomerwa mhosva dzekuba mari ava vanotapwa vachiti vanokwanisa kutosvika kunaVaMnangagwa uye vanoziva zviri kuitika. Asi mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vachinyora padandemutande reTwitter pavanozviti @Tinoyedza Zvimwe vanoti ose aya manyepo anogona kusungisa vanoaparadzira.

RBZ yakati ichaferefeta nyaya idzi. Asi makurukota ehurumende nehofisi yaVaMnangawa vari kuramba kutaurawo nevatori venhau nezvenyaya iyi.

Zvichakadai pane vamwe vari kunyora pamadandemutandde kuti vave kutotsvaka nemapurisa mushure mekunyora kana kutaura nezvenyaya iyi pamadandemutande.

Asi mutauriri wemutairiri wemapurisa Assistant Commsissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti havana ongororo yavarikuziva yavari kuzivisa iri kuitwa nemapurisa.

Varambawo kutaura zvakawanda vachiti titaure nemunyori mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana avo vange vasiri kudairi nharembozha yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG