Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoyambira Kuti Inogona Kutsokodzerwa seHuswa Pakuzemberana neBelarus Pachitaurwa Nyaya yeZvombo zveNuclear


UMongameli Emmerson Mnangagwa loMongameli Alexander Lukashenko wakwele Belarus.
UMongameli Emmerson Mnangagwa loMongameli Alexander Lukashenko wakwele Belarus.

Apo nyika dzakawanda dzepasiri rino dziri kushora zvikuru mashoko emutungamiri wenyika yeBelarus VaAlexander Lukashenko ekutenda kuti Russia ipinze zvombo zvine muchetura wenuclear munyika mavo, gurukoata rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava vari kuita misangano nenyika iyi kusimbaradza hukama.

Nezuro VaShava vakaita musangano naVaLukashenko. Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kushora zvikuru mashoko aVaPutin ekuti vave kuendesa zvombo kuBelarus vachiti anogona kukonzera matambudziko makukutu.

VaMnangagwa naVaPutin
VaMnangagwa naVaPutin

Asi VaPutin vanoti zvavari kuita hazvina kusiyana nekuti America inoisa zvombo zvemanuclear kuGermany, Turkey kana dzimwe nyika. Bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika rinoti nhasi VaShava vashanyira nzvimo inogadzirwa matarakita muMinsk, guta guru renyika iyi.

Mutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vakaudza Studio 7 kuti Zimbabwe iri kubatsirwa zvakanyanya neBelarus zvikuru munyaya dzekurima vakatiwo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazivisa kare kuti vanoda kuwirirana nenyika dzose.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reDemoctatic Party VaWurayai Zembe vati zviri kuitwa neZimbabwe zvinogona kuti itsokodzerwe sehuswa pakurwa kwenzou.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG