Vemumhuri yenhabvu vanoti vatungamiri vemutambo uyu havafanire kuve nechekuita nezvematongerwo enyika. Asi pane mutemo here unovamisa kuita izvi?
Vamwe vatungamiri venhabvu kusanganisira sachigaro wePremier Soccer League VaFarai Jere nhasi vatora nguva yavo kumbokanganwa zvenhabvu nekupinda mune zvematongerwo enyika umo vanga vari musarudzo yebato reZanu PF yekutsvaga tikiti rekuzomirira bato iri musarudzo dzegore rino.
VaJere, avo vari kutsvaga nzvimbo yekumirira Zanu PF muparamende kudunhu re Murewa West, vabatana nemukuru weHerentals, VaInnocent Benza, pamwe nemukuru wekumahofisi eCaps United, VaCharlie Jones, avo vanga varimowo mumakwikwi ebato iri munzvimbo dzakasiyana siyana.
Pari zvino, akafanobata basa remutungamiri weZIFA, VaGift Banda, inhengo yeparamende inomirira Lobengula mushure mekusarudzwa muna 2018 vakamirira MDC Alliance.
VaPhillip Chiyangwa, avo vaivewo mukuru weZIFA kubva muna 2016 kusvika muna 2018, vaivewo nhengo yeparamende yeZvimba South vakamirira Zanu PF.
Aive mutevedzeri waVaChiyangwa, VaOmerga Sibanda, vaivewo zvekare nhengo yeparamende yeVungu kuMidlands vakamirira Zanu PF zvekare.
Asi vemumhuri yenhabvu vanoti izvi zvinofanira kuraswa nekuti munhu mumwechete haangaite mabasa maviri akakosha panguva imwechete, munhabvu, nemumatongerwo enyika.
Aive kaputeni weDynamos muna 1998 apo yakasvika mufainari yeCAF Champions League, Memory Mucherahowa, anoti munhu haangaite mabasa maviri ese ane simba rakawandisa.
Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaMasimba Denenga, vanotiwo munhu anenge ari kanzura kana nhengo yeparamende haakwanise kupa nguva yakakwana kunhabvu.
VeZIFA Restructuring Committee, avo vakaita ongororo yezviri kukonzeresa mhirizhonga munhabvu, vanoti vakaona zvakakodzera kuti munhu asave mutungamiri wenhabvu ari mune zvematongerwo enyika zvekare.
Murairidzi wemutambo wenhabvu, Edmore Mutetwa, anowedzerawo achiti vanoda zvematongerwo enyika vanofanira kusiira nhabvu kune venhabvu.
Asi mitemo yeFIFA hairambidze vezvematongerwo enyika kutungamira mutambo wenhabvu kana vachinge vasarudzwa kanawo kuti vave varidzi vezvikwata zvenhabvu.
Asi chisingadiwe neFIFA kupindira kwehurumende kana mapazi ayo mukutungamirwa kana kufambiswa kwemutambo uyu.
VaZee Moyo, veKeg Sports, vanoti hapana chakaipa kuti munhu ave muhurumende nemunhabvu nekuti zvinoita nyore kuti zvirongwa zvenhabvu zvinzwikwe muhurumende panguva yekutsvaga rubatsiro.
Muongorori wemutambo uyu, VaBrian Manyati, vanoti munhu anokwanisa kutungamira zvese, masvondo, nhabvu, matongerwo enyika panguva imwechete chero achizvikwanisa.
Vamwewo vakaita savaKazembe Kazembe, VaTapuwa Matangaidze, VaChristopher Chitindi, VaZiyambi Ziyambi naVaThemba Mliswa vakaregedza zvehutungamiri hwenhabvu apo vakasarudzwa kuve nhengo dzeparamende.
Kune dzimwe nyika, variko vakawanda vari mune zvematongerwo enyika kana kuti vaimbove mune zvematongerwo enyika vari kuita kana vakamboita zvenhabvu panguva imwe vari mune zvematongerwo enyika.
Vakambove mutungamiri wehurumende ye Italy, VaSilvio Berlusconi, vaive zvekare muridzi wechikwata chine mukurumbira che AC Milan panguva iyo vaitungamira hurumende mushure mekutenga Chikwata ichi muna 1986.
Asi paSouth Africa apa, muzvinabhizimusi ane mukurumbira, Va Patrice Motsepe, vanonzi vakaramba kupinda mune zvematongerwo enyika mushure mekunge vadomwa gore rapera nenhengo dzeANC kudunhu reLimpopo kuti vakwikwidze chigaro chemutungamiri webato iri.
Vachitaura panhepfenyuro ye SABC News, VaMotsepe, vanove zvakare mutungamiri weConfederation of African Football (Caf) vakati vanosarudza kusapinda mune zvematongerwo enyika kuitira kuti vawane nguva yekupa kune zvinhu zvinobatanidza zvizvarwa zveSouth Africa.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaJere, Benza naJones sezvo takundikana kuvabata nekuda kwekumhanyamhanya kwavanga vachiita vachigadzirira sarudzo idzi.
Mitambo yenhabvu yeCastle Lager Premier Soccer League yatambwa nhasi yapera seizvi….
Ngezi Platinum 0 Caps Utd 0
FC Platinum 1 Cranborne Bullets 0
Chicken Inn 1 Simba Bhora 0
Black Rhinos 0 Highlanders 1
Green Fuel 1 Herentals 1
Mitambo iriko neSvondo yakamira seizvi….
Dynamos vs Sheasham -NSS
Manica D vs Triangle - Gibbo
Yadah vs Hwange Baobab.
Facebook Forum