Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Vochemachema neKukwira kweMutengo weKutakura Fodya Kuenda kuMisika


Varimi vanoti zviri kuvadhurira kutakurirwa fodya yavo kuenda nayo kunotengesa kumisika.
Varimi vanoti zviri kuvadhurira kutakurirwa fodya yavo kuenda nayo kunotengesa kumisika.

Vamwe varimi vefodya munyika vanoti vari kudhurirwa zvakanyanya nekutakura fodya yavo kuenda nayo kumisika kunotengeswa fodya.

Mumwe murimi wefodya wekuMhangura, VaClayton Mutyambizi, vanoti kutakura bhero rimwechete vanobhadhara madhora ekuAmerica anosvika gumi nemashanu mari yavanoti yakawandisa kumurimi.

VaMutyambizi vanoti vamwe vanoita hurongwa nevedzimotokari hwekuti mari yekutakura fodya izobatwa kana fodya yatengwa izvo vanoti mari yekutakurisa inobva yazowedzerwa kuwanda.

VaMutyambizi vanoti vanotenga fodya vangadai vachienda kumamisha kunotengwa fodya kuti zvirerukire murimi.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wefodya wekuBindura mudunhu reMashonaland Central, VaChristopher Mhere, avo vanotengesera fodya yavo kuHarare. VaMhere vanoti vakabhadhara madhora makumi maviri pabhero kuendesa fodya yavo kuHarare.

Vanoti vanotakura fodya vanopa zvikonzero zvekuti mafuta edzimotokari ave kudhura uye migwagwa yakaipa izvo vanoti zvinovaurayira motokari dzavo.

Mumwe wevanotakura fodya mudunhu reMashonaland West kuendesa kumisika inotengeswa fodya iri kuKaroi neHarare, VaTakesure Musiiwa, vanoti mari iri kunzi nevarimi yakawanda ishoma kana zvichienzaniswa nemafuta avanenge vatenga pamwe nekusakara kunenge kuchiita motokari dzavo.

VaMusiiwa vanoti varimi vanokanganwa kuti vatakuri vefodya vari mubhizinisi nekudaro vanofanirwa kushanda vachiwana chouviri.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti dambudziko rekudhura kwekutakurwa kwefodya ragara riripo nekuti vanotakura mabhero efodya havatarise kuti riri kurema zvakadii uye kuti mufambo wacho wakareba zvakadii?

Muri wefodya, Muzvare Michelle Gwatimba vekuCentenary.
Muri wefodya, Muzvare Michelle Gwatimba vekuCentenary.

Amai Jiti vanoti varimi vanofanirwa kubatana kuti vanobva nzvimbo imwechete vashandise motokari imwechete isingavadhurire uye kuti vashandise motokari dzakanaka dzisinganetswe nemapurisa dzine zvese zvakakwana.

Amai Jiti vanoti motokari dzisina zvakakwana dzinoita kuti vanotakura fodya vapedzesere vave kubhadhara mari yechioko muhomwe kumapurisa, mutoro wavanozoisa kuvarimi.

Panyaya yekufa kwakaita migwagwa mutauriri webazi rinoona nezvekugadzirwa kwemigwagwa munyika reZimbabwe National Road Authority kana kuti ZINARA, VaTendai Mugabe, vanoti dambudziko riri kumakanzuru ayo asiri kuita basa nemazvo. VaMugabe vanoti makanzuru akawanda ari kudzosa mari kwavari atadza kuipedza asi iyo migwagwa yakafa zvakanyanya.

Varimi vari kukurudzira vanotenga fodya kuti vavafambire ivo.
Varimi vari kukurudzira vanotenga fodya kuti vavafambire ivo.

Asi munyori mukuru wekanzuru yeHurungwe, VaLuke Kalavina, vanoti mari dzinobva kuZINARA vanodzipihwa gore rave kunopera kuti vaipedze nenguva diki izvo vanoti hazvikwanisike.

Kutakurwa kwemabhero efodya kunobhadharwa zvakasiyanasiyana sezvo vamwe vachipihwa zvikwanisiro zvekurimisa nemakambani, ayo anove ndiwo anozobhadhara zvakare motokari dzinotakura fodya kuedna kumisika, iwo vozotora mari yavo murimi paanotengesa fodya yake.

Asi vamwe vanorima vekazvimirira vanozvitsvagira chekutakurisa vachibhadhara vega sekuwirirana kwavanenge vaita newemotokari.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG