Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eNhabvu eCastle Lager Premier Soccer League eMwaka Uno Anosimuka muNyika Dynamos ne FC Platinum Dzichivhura neKukunda


Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League atanga nhasi munyika.
Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League atanga nhasi munyika.

Makundano enhabvu emwaka uno asimuka nhasi masikati mumachikichori emitambo achange ariko kwemwedzi misere.

Makwikwi aya asimuka paine mibvunzo yakawandisa kubva kuvatsigiri venhabvu vachitarisa mamiriro akaita zvikwata zviri mugungano rePremier Soccer League mwaka uno.

Nyaya yanga ichingotaurwa nezvayo ndeyekuti ndiani achatora mukombe uyu, uyo uri mumaoko eFC Platinum.

Vakawanda munhabvu kusanganisira VaKudzai Bere vanoti hapana chikwata pari zvino chinokwanisa kumisa FC Platinum.

Vamwewo vakaita saVaMisheck Jambi ndivo vanoti “Kugona Kunenge Kudada” ichamiswa nema’Green Machine” avo eCaps United.

Dynamos yavhura mwaka nekurova Hwange 1-0.
Dynamos yavhura mwaka nekurova Hwange 1-0.

Vamwewo ndivo vari kutarisirawo kuti Dynamos neHighlanders dzichakwakuka kubva muhope dzotorawo mukombe wakakosha uyu.

Asi murairidzi weManica Diamonds, Jairos Tapera, anoti chikwata chake chakagadzirira zvakasimba zvekuti mwaka uno hakuna chakanaka.

Asi vamwe vaongorori zvemutambo uyu vanoti FC Platinum inofanira kusunga dzisimbe nekuti Chicken Inn neNgezi Platinum Stars dzakabaka moto uyezve dzakarongeka muvatambi nemuhutungamiri.

Ukuwo, murairidzi weHerentals, Kumbirai Mutiwekuziva, haasi kuvimbisa huchi nemukaka asi kuita zviri nani pachinhanho chegumi icho vakapedza vari mwaka wapera.

Mitambo yavhura mwaka wenhabvu yapera yakati Simba Bhora 1-2 FC Platinum, Sheasham 0-0 Chicken Inn, Bulawayo Chiefs 1-1 Ngezi Platinum, Hwange 0-1 Dynamos.

FC Platinum, chakatora mukombe wa2022.
FC Platinum, chakatora mukombe wa2022.

Mitambo iriko neSvondo yakamira yakati Caps United vs Manica Diamonds kuNational Sports Stadium, Highlanders vs ZPC Kariba kuBarbourfields, kuchitiwo Triangle vs Herentals kunhandare yeGibbo.

Munyori wesangano rinomirira vatsigiri venhabvu reZimbabwe National Soccer Supporters' Association, ZNSSA, VaJoseph Mutawu vanoti vePSL vanofanira kutarisa zvekare mari dzinofanira kubhadharwa nevanoda kuona mitambo.

Pari zvino, veruzhinji vari kubhadhara madhora matatu asi nhandare yeMandava yaive yakazara svondo rapera apo vatsigiri venhabvu vakaripiswa madhora maviri pamutambo weCastle Challenge Cup pakati peFC Platinum neBulawayo Chiefs.

Mune imwewo nyaya yemutambo, shasha yetsiva yechidzimai, Kudakwashe Chiwandire anga ari kutarisirwa kupinda munhandare nhasi kuMexico uko ari kutarisirwa kurwa naYamileth Mecardo wekuMexico kwakare mumutambo weWorld Boxing super bantamweight webhande regoridhe.

Izvi zvinoitika chete kana chikumbiro chekamba yaChiwandire chekuti mutambu uyu uendeswe mberi chakaramba kutambirwa. Chikwata cha"Take Money" chaida kuti mutambo uyu uendeswe mberi chichiti vakanonoka kusvika ku Mexico kuti Chiwandire awane nguva yekujairira mamiriro ekunze enyika iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG