Accessibility links

Breaking News

Chiwandire Otarisirwa Kurwira Bhande reWorld Boxing Council reGoridhe kuMexico Maneja Wake Vachida Kuti Mutambo Uyu Umbomiswa


Kudakwashe Chiwandire
Kudakwashe Chiwandire

Vanotungamira mutambi wetsiva, Kuda Chiwandire vari kuda kuti mutambo wake weWorld Boxing Council webhande regoridhe neMugovera umbomiswa mushure mekunonoka kupihwa mavhiza avo ekupinda muMexico umo muri kufanirwa kuitirwa mutambo uyu.

Chiwandire anga achitarisirwa kusvika muMexico neChishanu manheru mushure mekumbomira muNetherlands kwezuva rimwe.

Maneja wake, VaCylde Musonda vanoti hapasisina nguva yakakwana yekusvika muMexico nekunojairira mamiriro ekunze zvapa kuti vakumbire kuti patarwe zuva idzva remutambo wetsiva uyu.

Vanoti havasi kuda kukanda Chiwandire munhandare nemutambi waarikurwa naye Yemileth Mercado ane bhande ririkurwirwa regoridhe asina kugadzirira zvakakwana. Asi Chiwandire pachake haasi kuvhundutswa nemutambo uyu achiti akatomirira Mercado wacho.

VaMusonda vanoti vari kuenda kuMexico kwete kunorwa sezvaive zvarongwa neMugovera asi kunoita musangano neveWBC nevari kuronga mutambo uyu kuti zuva remutambo risandurwe.

Mutambi wetsiva, Kudakwashe Chiwandire achirwa.
Mutambi wetsiva, Kudakwashe Chiwandire achirwa.

Chiwandire naVaMusonda vakapihwa mavhiza avo ekupinda muMexico nezuro muSouth Africa kwasara mazuva matatu chete kuti mutambo uyu uitwe.

Vaviri ava vakasimuka muSouth Africa nezuro manheru uyezve varikutarisirwa kusvika muguta reJuarez muMexico manheru ano, izvo zvinovapa zuva rimwechete chete vari munyika iyi mutambo usati waitwa.

Gwaro rebasa rekanyorerana naChiwandire nevarongi vemutambo uyu rinoti Chiwandire anofanira kuve ave muMexico mazuva matanhatu, zuva remutambo uyu risati rasvika.

Chiwandire naMusonda vanga vari muSouth Africa kubvira musi wesvondo VaMusonda vachiti matsamba avo ekupihwa mavhiza akanonoka kusvika.

Pamusoro pezvo, neMuvhuro muzinda weMexico muSouth Africa wakamboramba kuvapa mavhiza sezvo waiti magwaro aive abva kuvarongi vemutambo uyu aive asina kukwana.

Muongorori wemutambo wetsiva VaLameck Jakopu anoti Chiwandire haafanire kuoreswa moyo nezvaitika izvi asi kuti arambe achigadzirira zvakasimba.

Chiwandire anoti zvekurwa izvi zvagara zviri muropa kubvira achiri mwana mudiki.

Chiwandire ari kuda kutora bhande regoridhe rina Mercado iri iro rinove repamusoro-soro pasi peWBC.

Asi VaMusonda vanoti Chiwandire haafanire kugumira pabhande iri chete.

Parizvino, Chiwandire ane bhande reWBC asi riri resirivha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG