Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varimi muMashonaland West Vofungira Huwori paKupiwa kweMatirakita Ari Kukwereteswa neHurumende


Hurumende inonzi iri kupa varimi matarakita akabva kuBelarus vachibhadhara mumakore matatu.
Hurumende inonzi iri kupa varimi matarakita akabva kuBelarus vachibhadhara mumakore matatu.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vanoti vanofunga kuti pane huwori huri kuitika pakupihwa kuri kuitwa matirakita ari kukwereteswa nemamwe mabhanga vachiti ari kungopihwa vakuru-vakuru vezvematongerwo enyika chete.

Varimi ava vanoti sezvagara zvichiitika pose panopihwa zvinhu nehurumende, vakuru-vakuru munyaya dzezvematongerwo enyika ndivo vanowana zvinhu zvakawanda.

Vamwe varimi vanoti kupihwa kwematirakita ekurimisa kuvanhu vasiri ivo ndizvo zviri kukonzera kuti nyika itadze kuwana chikafu chakaikwanira.

Hurumende iri pakati pekupa varimi matirakita anosvika chiuru namazana matatu kubva pamatirakita zviuru zviviri nechidimu zvakabva kubva kunyika yeBelarus kubva gore rapera, sekutaura kwegurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka.

VaMasuka vanoti mamwe matirakita anosvika zviuru zvitatu nemazana matatu nemakumi matatu nezvinomwe, kana kuti 3 337, achapihwa varimi gore rino risati rapera.

Asi vamwe varimi vanoti matirakita ari kungopihwa vakuru vemusangano uri kutonga weZanu PF, sekutaura kwemumwe murimi wekuChegutu ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti VaNesbert Changara.

VaChangara vanoti kuti matirakita ashandiswe nemazvo kwete kutengeswa sezvakamboitwa mamwe akapihwa varimi makore apfuura, anofanirwa kupihwa varimi vane nhoroondo yekurima zvisineyi kuti anotsigira bato ripi rezvematongerwo enyika.

VaTafadzwa Mugwadi veZanu PF
VaTafadzwa Mugwadi veZanu PF

Asi mushandi mukuru mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti nhengo dzebato ravo dzinotovhetwa kuti dzipihwewo zvikwanisiro zvekurimisa nevashandi vebazi rezvekurima sevamwe varimi vose.

Patabvunza kuti zvikwanisiro zvekurimisa zvakaita sematirakita zvinogoverwa varimi sei? munyori mukuru mubazi rezvekurima, VaJohn Bhasera, vati tibate mabhangi akaita seCBZ neAFC, ayo akapihwa nehurumende basa rekugovera matarakita ekurimisa aya kune vanokodzera.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuCBZ sezvo boka rebhanga iri rinoona nezvekufambiswa kwemashoko ranga risati rapindura mibvunzo yatatumira padandemutande re-mail.

Asi mumwe mushandi weCBZ muChinhoyi asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venha, audza Studio 7 kuti bhanga ravo riri kupa matirakita kune varimi vanokodzera.

Mushandi uyu ati matirakita aya ari kukwereteswa varimi nemari inoita madhora ekuAmerica zviuru makumi matatu nezvisere, kana kuti US$38 000.00, murimi achitarisirwa kutanga abhadhara imwe mari, inosara ichizofanirwa kubhadharwa mukati memakore matatu achitarisirwa kubhadhara madhora ekuAmerica zviuru gumi kana kuti US$10 000.00 pagore.

Murimi anonzi anofanirwa kutanga aongororwa kuti gwaro repamunda paari kurima, kana kuti offer letter riri muzita rake here uye kuti pane humbowo hwekuti anowana mari inosvika madhora ekuAmerica zviuru makumi maviri nezvina, kana kuti US$24 000, pagore here kubva mukutengesa zvirimwa. Pamusoro pezvo, murimi uyu haafanirwe kuve nezvimwe zvikwereti kuzvirongwa zvehurumende zvakaita seCommand Agriculture.

Asi ongororo yemitengo yematirakita kumakambani anotengesa matirakita ekurimisa akaita seCASE neMassey Ferguson inoratidza kuti tirakita iri kutengeswa nemadhora ekuAmerica ari pakati pezviuru gumi nezvishanu kusvika pazviuru makumi maviri (US$15,000.00 to US$20,000.00).

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa nemutungamiri weBelarus VaAlexander Lukashenko
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa nemutungamiri weBelarus VaAlexander Lukashenko

Hurumende yakasainirana nenyika yeBelarus chibvumirano chekuti Zimbabwe iwaniswe matirakita, michina yekukohwesa, kana kuti combine harvesters, pamwe nemichina yekushandisa kufirita zvirimwa zvese zviri zvemari inosvika madhora ekuAmerica mamiriyoni makumi masere nematanhatu, kana kuti US$66million kubva gore rapera.

Hatina kukwanisa kuziva kuti hurumende yakawana tirakita imwechete nemarii, asi ongororo yaitwa neStudio 7 padandemutande inoratidzai kuti tirakita imwechete yakaita seiri kutengeserwa murimi nemadhora ekuAmerica makumi matatu nemasere iyi inotengeswa kunyika yeBelarus nemari isingadarike zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica, kana kuti US$5 000.00.

Varimi vakawanda vemapurazi madiki kana kuti A1 vanoti havakwanise kupinda muchirongwa chekutenga matirakita ichi sezvo achivadhurira.

Murimi wekuSanyati, VaJosiah Mate, vanoti mahekiteya matanhatu avakapihwa haabude zvirimwa zvingape murimi mari inodarika madhora ekuAmerica zviuru gumi pagore.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti hurumende inofanirwa kuita chirongwa chekuwanisa varimi vepasi matirakita kunyange zvichireva kuwedzera nguva yekubhadhara.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Farmers Union, ZFU, VaPaul Zacharia, vanoti varimi vemuno vachiri vakasaririra zvakanyanya sezvo vakawanda vavo vachirima nezvibhakera nekuda kwekushaya zvekurimisa.

Dzimwe nyanzvi dzezvekurima dzinoti kushayikwa kwematirakita kana kudhura kwawo pamwe nekufa kuri kuita mombe munyika zviri kuita kuti varimi vakawanda vatadze kurima minda yavo yose zvinoita kuti nyika igare ichisunza nguva dzose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG