Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Kurume 10, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Gwaro raparurwa nhasi nesangano reZimbabwe Democracy Institute (ZDI) rinoratidza kuti zvichakaoma kuti mapato anopikisa apinde kumaruwa achitsvaga rutsigiro nekukunda musarudzo nekuda kwekuti bato riri kutonga reZanu PF rakadzika midzi ikoko.

Musangano weNational Joint Negotiating Forum, NJNC, waitwa nhasi pakati pevamiriri vevashandi nevamiriri vehurumende unonzi hauna kubuda nechisungo, sezvo vashandi varamba zvakare kutambira zvaiswa patafura nehurumende.

Bato riri kutonga reZanu PF rinoti richaita sarudzo dzekutsvaga vacharimirira musarudzo dzegore rino, kana kuti primary elections, neMugovera svondo rinouya.

Ngochani dzakawanda munyika dzinoti dziri kutadza kuwanana zviri pamutemo nepamusana pemitemo pamwe netsika dzemuZimbabwe dzinodzvanyirira kodzero dzevanoita zvehungochani.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vanoti vanofunga kuti pane huwori huri kuitika pakupihwa kuri kuitwa matirakita ari kukwereteswa nehurumende kuburikidza nemamwe mabhanga, vachiti ari kungopihwa vakuru-vakuru vezvematongerwo enyika chete.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tinokupai hurukuro nemuimbi wechidiki, Gary “tight” Mponda, uyo akapinda mutsoka dzababa vake, Willom Tight. Gary ane nziyo dzakawanda dzakaita mukurumbira uye ikozvino ane dambarefu riri kufadza vanhu rinonzi Afinhura Aspaka.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kutarisa nezvegadziriro yesarudzo dzegore rino tichinzwa kuti mapato eZanu PF neCitizens Coalition for Change akatozivisa kare nezvehurongwa hwawo hwekutsvaga nhengo dzichakwikwidza musarudzo gore rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG