National Gallery muBulawayo yabatana neUN Women neAfrican Women
Leaders Network kucherechedza zuva reInternational Women’s Day
nekuratidza mifananidzo ine chekuita nezvekushungurudzwa kwevanhukadzi
vari mune zvematongerwo enyika painternet kana kuti Online Violence
Against Women in Politics.
Madzimai akawanda anoita mabasa muzvikamu zvakasiyana-siyana zvehupfumi nhasi vaungana paNational Gallery muBulawayo apo pange pane zviratidzwa zvemifananidzo zvakaitwa nevamwe vanhukadzi senzira yekucherechedza zuva reInternational Women’s Day.
Zviratidzwa izvi zvange zvakaitwa zvichienderana nedonzvo rekuda kuvandudza ruzivo uye kudzidzisa veruzhinji pamusoro pedambudziko rekushungurudzwa kwevanhukadzi vari munyaya dzezvematongerwo enyika kuchishandiswa madandemitande kana kuti Online Violence Against Women in
Politics.
Muzvare Thokozani Khupe vanove nhengo yebato reCCC, vange varipowo pachiitiko ichi, uye vati kushungurudzwa kwevanhukadzi kunyanya vari mune zvematongerwo enyika kunoodza moyo yavo pamwe nevanasikana.
Mumashoko avapa semunyarikani pavhidhiyo gururukota rezvemadzimai pamwe nemakambani madiki Amai Sithembiso Nyoni avo vanovewo sachigaro weAfrican Women Leaders’ Network Zimbabwe Chapter, vati hapana budiriro ingaitike munyika kana vanhukadzi vakasarira kumashure munyaya dzehumizha hwekufambiswa kwemashoko kusanganisira masaisai einternet.
Muzvare Linda Masarira mutungamiri wesangano reLEAD vaudzawo Studio 7 parunhare kuti kushungurudzwa kwevanhukadzi painternet kunodzorera kumashure donzvo rekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.
Mutevedzeri wemuriri weUN Women muZimbabwe Muzvare Loveness Makonese
avo vange varipowo pachiitiko ichi vatsinhirawo izvi vachiti nekuti vanhukadzi ndivo vakawanda kupfuura vanhurume, zvakakosha kuti vawanikwe vakawandawo muzvinzvimbo zvehutungamiri.
Muzvare Debra Mwase mukuru wezvirongwa musangano reKatswe Sistahood rinoshandq zvakasimba mukukurudzira kuvepo kwemitemo inoita kuti kushungurudzwa kwevanhukadzi painternet kuve mhosva Vaudza Studio 7 kuti pachine basa guru kuti mitemo iyi izivikanwe neveruzhinji.
Taru Guvamombe munhukadzi wechidiki anoita zvemifananidzo uyo anove mumwe wevanhukadzi vanomwe vakasarudzwa kuve muchirongwa chekushandisa zvemifananidzo kutaura pamusoro pedambudziko rekushungurudzwa
kwevanhukadzi painternet.
Zuva reInternational Women’s Day rinoceherchedzwa pasi rose musi wa8 Kurume gore rega rega uye dingindira regore rino rinoti “Digital Innovation and Technology for Gender Equality.”
Mukuru weNational Gallery muBulawayo Muzvare Silenkosi Moyo vati
vakaona zvakakosha kushanda neUN Women, hurumende nemamwe masangano
akasiyana-siyana kushandisa zuva iri kuti vataure nezvekushungurudzwa
kwevanhukadzi vari mune zvematongerwo enyika sezvo nyika yakatarisana
nesarudzo mumwedzi mishoma inotevera.
Ongororo yakaitwa nesangano reInternational Parliamentary Union pasi
rose mugore ra2018 inoratidza kuti zvikamu makumi mana nezviviri
zvevanhu vakapindura vanoti vakasangana nekushungurudzwa kwepa social
media kusanganisira Facebook neTwitter uye izvi zvinoitwa nevanhu
vanenge vasingadi kubuda pachena.
Facebook Forum