Accessibility links

Breaking News

Varimi Vanoti Cyclone Freddy Yakatovabatsira paKukudza Zvirimwa


Cyclone Freddy
Cyclone Freddy

Vamwe varimi mumaruwa akasiyana-siyana munyika vanoti kunyangwe vaimbenge vabatira hana mumaoko vachityira kuti zvirimwa zvavo zvaizoparadzwa nedutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti Cyclone Freddy, nhamo yavaitarisira yakazova makomborero sezvo kwakazonaya mvura shoma pane yaitarisirwa zvakabatsita mbeu dzavo dzainge dzotsva dzisati dzaibva.

Mumwe murimi VaTavakotsa Chikunhuwe vemuraini rekwaMakonese kwaBhasera mudunhu rekwaGutu vanoti gore rino vanotarisira goho rakanaka nekututuka kwemvura iyi.

Izvi zvatsinhirwawo nevamwe varimi vari kumatunhu akaita seMashonaland East vanoti kunyange mvura yakamboita sekurambira mudenga pakutanga kwemwaka, yakazouya zvakanaka zvapa kuti minda yavo iyevedze. Vamwe vakaita saVaLearnmore Magaya vekwa Sadza kuChivhu vanoti vari kutarisira maguta.

Mumwe mugari wekuMidlands kuMberengwa VaTitus Shumba vanotiwo vari kutarisira kunonganonga zvekuti havazotenge hupfu.

Nyanzi munyaya dzezve kurima VaCraig Ivan vanoti kunaya kwemvura zvakanaka kwapa vari vakawanda mukana wekukohwa pakuru.

Vamwe varimi vanoti zvirimwa zvakaita senzungu, nyimo nemhunga zvakatosvika zvekuti vave kutokohwa kunzvimbo dzakaita sekwa Gutu, Bikita, Chivhu, Gwanda neMwenezi.
Varimi vanoti chimwe chibage chakatanga kurimwa nemvura yekutanga chave kutodyiwa munzvimbo idzi.

Hatina kukwanisa kunzwa kuti bazi rezvekurima rinoona sei mwaka wekurima uno sezvo Gurukota rezvekurima Dr Anxious Masuka vange vasingadairi nhare kana kupindura tsamba mbozha. Munyori mubazi iri, Dr John Bhasera vati titumire mibvunzo asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG