Accessibility links

Breaking News

Sangano reZINASU Rinosvitsa kuZEC Gwaro reNyunyuto Richikurudzira Kuti Sarudzo Dziitwe Dzakachena Uye Dziri paJekerere


Zinasu
Zinasu

Rimwe sangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusorosoro, reZINASU, ranyorera kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, pamwe nekuZimbabwe Human Rights Commission, richisvitsa zvinyunyuto zvaro pamusoro pemafambisirwo arinoti ari kuitwa basa neZEC maringe nenyaya dzesarudzo.

Mutungamiri weZINASU, VaBoris Tadiwanashe Muguti, avo vakasaina gwaro rakaenda kuZEC nekuZHRC iri vanoti sevadzidzi havasi kufara nekusaenzana kwenhandare yezvematongerwo enyika muZimbabwe.

VaMuguti vanoti chavari kukurudzira sevadzidzi ndechekuti ZEC itungamire sarudzo dziri pachena uye pajekerere.

Zvichakadaro, komisheni inotungamira sarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inonzi ine hurongwa hwekuparura chirongwa chekuti veruzhinji vakwanise kunyoresa kuvhota nyika yose.

Muzvare Joana Mamombe vebato reCCC
Muzvare Joana Mamombe vebato reCCC

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe vebato reCCC vati chirongwa ichi chichatanga musi wa 11 mwedzi uno chichipera musi wa 21 mwedzi uno.

Muzvare Mamombe vakurudzira veruzhinji vasati vanyoresa kuti vashandise mukana uyu kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuvhota nehuwandu hwavo.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri mutsva weZEC, Commissioner Rodney Kiwa, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi VaMuguti vati vanotambira nemaoko maviri hurongwa hwekuti vanoda kuvhota vanyoreswe nyika yose uhwu nemaoko maviri, asi vanoti hwakanga hwatononoka sezvo sarudzo dzave kutoswedera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG