Accessibility links

Breaking News

Poita kuGunun'una Pamusoro peKukwidzwa kweMitengo yeKushandisa Masaisai neMakambani eNharembozha


Vanotengesa masaisai enharembozha muBulawayo
Vanotengesa masaisai enharembozha muBulawayo

Pane kugunun’una kukuru pamusoro pekukwidzwa kuri kugara kuchiitwa mitengo yekushandisa masaisai kana kuti internet kuri kuitwa nemakambani enharembozha kana kuti Mobile Network Operators muChirungu vamwe vachiti izvi hazvikodzeri sezvo makambani aya ave kubhadharisa miripo yedhata nemari yekunze.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende yeInformation Communication Technology, VaCharlton Hwende, vaudza Studio 7 kuti kushushikana pamusoro pemitengo yedhata inogara ichikwira ndezvimwe zvezvataurwa nezvazvo zvikuru pamusangano wapetwa waitwa.

Musangano uyu wapindwa nePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe, kana kuti POTRAZ, nemapoka aksiyana-siyana, kusanganisira vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nemakambani anopa masaisai enharembozha.

VaHwende vati kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica, mutengo wedhata munyika unodhura zvikuru.

VaHwende vati vemakambani ava vabvuma hurongwa hwekuti vanotenga dhata vakwanise kuwedzera dhata ravanotenga pamusoro perinenge rasara panopera nguva yavanenge vachifanirwa kutenga rimwe, inonzi muChirungu roll-over, izvo zvinove zvange zvisingaitwe nemakambani aya.

Hapaperi mwedzi maMobile Network Operators anosanganisira Econet, neNet-One, asina kupa chiziviso chekuti ave kukwidza mutengo wedhata uye makambani aya akatozivisa veruzhinji kuti achakwidza mutengo uyu nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Econet imwe yemakambani anoita zvenharembozha
Econet imwe yemakambani anoita zvenharembozha

VaEdwin Chabuka inyanzvi muchikamu chehumhizha hwezvekufambiswa kwemashoko kana kuti Telecommunications, uye munyori webepanhau repadandemutande reTechzim.

Vanoti kukwira kunogara kuchiita mitengo yedhata kunokonzerwa nemashandiro ePOTRAZ, rinove boka rehurumende rinoona nezvekupiwa kwemarezinesi nekushanda kwemakambani anopa masaisai enharembozha, iyo vati inowanzosara kumashure pane zvinenge zvichiitika mune zvehupfumi.

VaChabuka vati zvinonetsa kuti makambani enharembozha adzikise mitengo nekuti anoshandisa mari yakawanda kuti akwanise kuita mabasa awo nemazvo.

VaTabani Moyo ndivo mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa, kana kuti MISA, Zimbabwe Chapter. Sangano iri rinorwira kodzero dzezvekutapwa kwenhau uye kufambiswa kwemashoko pasina kumbunyikidzwa. VaMoyo vanoti maonero avo ndeekuti hurumende, kuburikidza nePOTRAZ, iri kubhadharisa mitero yakakura zvisina kufanira.

Asi vatiwo pane hwavanoona sehumenemene pakushanda kunoita POTRAZ pamwe nemakambani anopa masaisai enharembozha izvo vati zvinosiya veruzhinji vari pamhene.

Taedza kubata mukuru wePOTRAZ, VaGift Machengete, asi vanzi vari kunze kwenyika pari zvino.

Mukuru wePOTRAZ, VaGift Muchengete
Mukuru wePOTRAZ, VaGift Muchengete

Taedzawo kunzwa kubva kumunyori webazi rezveICT, Amai Beaullah Chirume, kuti tinzwe kuti hurumende ine hurongwa hwekudzikisa mutero wemarezinesi emakambani anopa masaisai enharembozha here asi nharembozha yavo yange isingabatike.

Takundikanawo kunzwa kubva kumakambani enharembozha emunyika aya.

Vamwe vakuru vakuru vehurumende vanogara vachiti hurumende yaVaMnangagwa yakazvipira panyaya yekuvandudza kufambiswa kwemashoko pasina kumbunyikidzwa semucherechedzo wekuzvipira kwayo kuhutongi hwejekerere. Asi vamwe vanoti uku kungotaura chete.

Munguva pfupi yapfuura pakabuda mashoko ekuti kambani yeshoroma, VaElon Musk yeStarlink, iyo inopa masasai e satellite ichauya muZimbabwe munguva pfupi iri kutevera.

Vakawanda vanoti kuve munyika kwekambani iyi, iyo iri kuda kupindawo munyika dzakadai seSouth Africa nedzimwe, kunogona kubatsira zvikuru kuderedza mitengo yedhata. Asi Amai Chirume vakaudza Studio 7 panguva iyi kuti hurumende yaive isati yatambira magwaro kubva kukambani iyi ekuti inoda kushandira muno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG