Accessibility links

Breaking News

#Teachers4USD Yotanga Kuratidzira muNyika Yose Hurumende Ichiti Kutungana kweMbudzi


Vamwe varairidzi vanonzi vabatana nhasi pasi pegungano riri kuzvidaidza kuti #teachers4USD vakatanga kuramwa mabasa vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro idzo dzavanoti hadzisi kukwana kuti vararame hupenyu hunoyemurika.

Vamwe vadzidzisi vemumadhorobha nekumuruwa vanonzi havana kuenda kubasa nhasi vachiti vanoda kuti mari yavari kutambiriswa nehurumende iwedzerwe kubva pamadhora ekuAmerica mazana maviri nemakumi matanhatu kana yabatanidzwa yose nemari yekufambisa neyedzimba kusvika pachiuru nemazana maviri ane makumi matanhatu emadhora ekuAmerica pamwedzi.

Hashtag Teachers4USD inoti inoda kuti varairidzi vapihwe mari yavo yose iri mari yekuAmerica chete kwete vapihwe mri yakasangana nemaRTGS.

Mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati vafadzwa zvikuru nehuwandu hwevarairidzi vasina kuenda kumabasa nhasi.

Ongororo yataita muHarare yabuditsa pachena kuti vamwe vadzidzisi vanga vari pabasa nhasi muzuva rekutanga kuramwa mabasa uku asi vamwe vanga vachidziya mushana uyewo vamwe vanga vasimo muzvikoro.

Asi VaMasaraure vati vanotarisira kuti varairidzi vazhinji vachabatana nevamwe mushure memusangano weNational Joint Negotiating Council kana kuti NJNC wange uchitarisirwa kuitwa nhasi asi wanzi wozoitwa mangwana.

Vachitaura nezvemusangano uyu murongi wemusangano weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions VaCharles Chinosengwa vati musangano uyu hauna kuzoitwa sezvange zvakatarisirwa.

Mutungamiri werimwe remasangano evarairidzi reProgessive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Studi0 7 vari kuMasvingo kuti nhengo dzesangano ravo hadzisi muhurongwa hwesangano re #teachers4USD uhwu parizvino kunyange hazvo vachitsigira nyaya yekuti varairidzi vapihwe mari dzemihoro inovakwanira.

VaZhou vatiwo sePTUZ vachasvitsa zvichemo zvavo kuhurumende kubudikidza nemusangano pakati pehurumende nevashandi vayo weNational Joint Negotiating Council mushure memhinduro yavakapihwa nePublic Service Commission pavakainyorera tsamba yenhuna dzavo vakanzi vasvitse zvichemo zvavo kubudikidza nemusangano weNJNC.

Mutauriri webazi rezvedzidzo, VaTaungana Ndoro, vati titaure nevebazi rezvevashandi nenyaya iyi. Asi gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavhima, vaudza Studio 7 parunhare kuti timbomira kutaura nezvenyaya iyi kuti vape nhaurirano dzamangwana mukana.

Zvichakadaro, gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Amon Murwira, vaudza dare reparamende kuti vashandi vemumayunivesiti vanogona kutambira mari dzavanoda kana vakashanda nesimba kusimbaradza nyaya dzehumhizha vachiti mayunivhesitu anogona kuita mari inosvika mamiriyoni matatu pagore mukati memakore matatu ari kutevera kana akasimbaradza nyaya dzehumhizha.

VaMurwira vataura izvi vachipindura zviri mugwaro renyunyuto rakasvitswa kudare iri nevadzidzisi vemumayunivhesiti ehurumende avo vanoti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambiriswa. VaMurwira vati mari dzevashandi vemumayuvhesiti hadzibhadharwe nehurumende asi vati mari idzi dzinobva kumakanzuru emayunivhesiti aya asi hurumende ichingopawo mayunivhesiti aya mari yerubatsiro chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG