Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vanoti Voshandiswa seNhapwa Mumakambani


University of Zimbabwe
University of Zimbabwe

Vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro vanoti vari kushandiswa zvisiri pamwero mumakambani nemapazi ehurumnende avanenge vachiitira zvidzidzo zvavo zvekudzidzira mabasa avo vari mumakambani nemapazi ehurumende aya.

Zvikoro zvedzidzo yepamusoro soro zvine nguva yazvinoendesa vadzidzi vazvo kunodzidzira mabasa avo mumakambani pamwe nemumapazi ehurumende, pasi pechirongwa cheAttachment kana kuti internship.

Asi pane kuti vange vachidzidzira mabasa sezvinenge zvakatarisirwa, vadzidzi vazhinji vari kuitiswa mabasa aya sekunge vashandi vakabayirwa zvitupa.

Mumwe mudzidzi akasangana nedambudziko iri, Tapiwa Chiriga, anoti ichokwadi kuti vadzidzi vanobatirirwa kana vaenda kunodzidzira mabasa akanangana nezvavanenge vachidzidza muzvikoro zvepamusoro soro.

Vachiriga vati, “Vadzidzi vazhinji vanoita mabasa makuru uye ndivo vari kutomisa makambani mazhinji muZimbabwe.” Vaenderera mberi vachitiwo, “ Kunyange mapazi ehurumende ndiwo mamwe arikunyanya kumbunyikidza kodzero dzevadzidzi. Panoda kutariswa kuti attachment ichiri kuita basa rayakagadzirirwa here kana kuti kwangova kuendesa vadzidzi kuhunhapwa.”

Chiriga, uyo anogara muHarare, mumwe wevamwe vadzidzi vakawanda munyika vari kuitiswa mabasa evanhu vakabayirwa zvitupa asi ivo vasingabhadharwe sezvo vachinzi vachiri kudzidzira mabasa.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mumapazi ehurumende pamwe nemasangano akazvimirira.

Munyori mukuru muZimbabwe National Students Union, VaJoseph Nyamayaro, vanoti, “Vadzidzi vakawanda vanoshandiswa mahara nekuti makambani mazhinji anenge achitiza kubhadhara muripo wakawanda kuvashandi chaivo, nekuvawanisawo zvimwe zvinouya nekuita basa.”

Vatiwo, “Izvi zvinoratidza kuipa kwaita economy yenyika ino, iyo yakonzeresa kuti makambani mazhinji ade kushandisa vadzidzi sezvo vasingapiwi muripo kana kuti vachipiwa muripo mushoma.”

Nyanzvi yemitemo ine chekuita nezvemabasa, VaSam Mugumisi, vanoti dambudziko iri riri kukonzerwa nekuwanda kuri kuita vadzidzi vanoda nzvimbo dzekudzidzira mabasa, ukuwo nzvimbo dzacho dziri shoma. VaMugumisi vat, “Huwandu hwevadzidzi varikuda attachment mumaIndustry huri kuwanda gore negore, asi nzvimbo dzekuti vange vachidzidzira basa racho dziri kuramba dzichishomeka.”

Vatiwo, “Kugadzirisa nyaya iyi, maTrade Unions anofanira kugara achiwongorora nyaya iyi, kuona kuti vadzidzi ava” havatoreri vanhu vanofanira kunge vachiita mabasa aya, mabasa. Panodawo kugadzirwa mitemo inochengetedza kodzero dzevadzidzi vanenge vachidzidzira basa.”

Mukuru wesangano rinomirira vashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, Muzvare Nester Mukwehwa, vanoti kana vadzidzi vaenda kunowana ruzivo mumakambani, havafaniri kutarisira kubhadharwa sezvo vanenge vasiri pabasa, asi kuti vanenge vachienderera mberi nezvidzidzo zvavo.

Vati, “Mutemo wezvekushanda unoti munhu wese anenge ari pakushanda anofanira kupiwa contract, naizvozvo maContracts evana vechikoro anenge achiratidza kuti vauya kuzodzidza, kwete kuzoshanda. Saka mukudzidza uku, anenge achitoratidzwa basa nevaya vatingati ma permanent workers.

Vaenderera mberi vachiti, “Saka mwana uyu haafaniri kuita tarisiro yekuwaniswa muhoro sezvo asiri mushandi, asi mudzidzi. Zvisinei, mamwe makambani anozopa vamwe vana ava mari dzekukwira michovha.”

Asi vakafanobata chigaro chemunyori mukuru musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaKudakwashe Munengwa, vanobvuma kuti dambudziko iri riripo zvechokwadi.

VaMunengwa vanoti vari mubishi kutaura nehurumende kuti makambani ese ari kunyebera kubatsira vadzidzi achiti ari kuvapa mukana wekudzidzira basa, asi iwo achivashandisa pasina muhoro, amiswe kuita izvi.

Vati, Kuita uku kwatonyanya mumakambani, dziri nzira dzekutsvaga kushandirwa pasina chavanobhadhara.”

Vaenderera mberi vatiwo, “Tsika iyi yakashata zvikuru, naizvozvo tiri mubishi rekutaurirana nehurumende kuti pave nemitemo iri pachena ine simba pamusoro penyaya dzeIndustrial Attachment. Kumbunyikidza vana uku kwakafanana nekubatwa senhapwa, vanhu vachingoshandiswa asi pasina chavanowana. Vana vechikoro ngavaite zvavanenge vavinga, kuzodzidzira basa, kwete kutakudzwa mutoro wekuita basa.”

Munyori mubazi rezvevashandi vehurumende pamwechete nezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, VaSimon Masanga, vanoti kunyange hazvo zvakakosha kuti vadzidzi vawane ruzivo rwekushanda vachizvionera pamhino sefodya, bazi ravo riri kuzviziva kuti pane nhubu dzaana muzvinabhizimusi dziri kushandisa vadzidzi kuita mabasa evashandi, nokuti havadi kubhadhara vashandi zvizere.

VaMasanga vanoti vacharamba vachiongorora kuti makambani nemasangano ane vashandi vakaita sei, senzira yekudzivirira hunhapwa huri kuitwa pavadzidzi munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG