Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vhikir rino vachatumira chikwata chevanhu vachabatsira kudzoka kwezvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permits kana kuti ZEP osvika kumagumo muna Chikumi kuSouth Africa.
Vakawanda vari kuSouth Africa vanoti vari kutiza nyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi.
Asi VaMnangagwa vanoti mabasa arimo munyika kune vane hunyanzvi hwacho nevanodzidzisika.
Vachinyora mubepanharu reSunday Mail, VaMnangagwa vati chikwata ichi chine vanhu kubva kumapazi akasiyana siyana ehurumende uye vari kushanda nehurumende yeSouth Africa nesangano reUnited Nations rinoona nezvekushanya reInternational Organization for Migration kana kuti IOM.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika chiuru zana nemakumi manomwe nemasere kana kuti 178,000 zvakatarisana nekudzoswera kumusha.
Vanoti kumucheto wemusangano weAfrican Union wakaitirwa kuEthiopia masvondo adarika, vakaita musangano nemutungamiri wehurumende yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa uye mukuru weIOM VaAntónio Vitorino nezvenyaya yekudzoka munyika kwezvizvarwa zveZimbabwe izvi.
Studio 7 yabata mukuru weZimbabwe Exiles Forum VaGabrieal Shumba avo vati kodzero dzevana veZimbabwe vasiri kuda kudzokera kumusha dzinofanirawo kuremekedzwa.
Facebook Forum