Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya kuMashonaland West Vochemachema neKuparadzwa Kwakaitwa Fodya Yavo neMvura Ine Chimvuramabwe


Mumwe murimi achitarisa fodya yake yakatyorwa nemvura yakanaya yakawanda kuMashonaland West
Mumwe murimi achitarisa fodya yake yakatyorwa nemvura yakanaya yakawanda kuMashonaland West

Vamwe varimi vefodya mudunhu reMashonaland West vari kuchemachema nekuparadzirwa fodya yavo iyo yanga yoibva nemvura ine mhepo nechimvuramabwe.

Mvura ine mhepo yakanyanya pamwe nechimvuramabwe iyo yakanaya neSvondo kumatunhu madiki anoti Hurungwe, Makonde neZvimba yakaparadza fodya nezvimwe zvirimwa.

Kunyange mvura iyi yakaparadza zvimwe zvirimwa zvakaita sebhinzi, chibage nedonje, kuparadzwa kwefodya kuchaita kuti varimi ava varasikirwe nemari iyo vaitarisira kuwana.

Kuparadzwa kwefodya uku kwakasiyana nekunoitwa zvimwe zvirimwa sezvo fodya ichityorwa mashizha kubva padzinde zvinozomanikidza kuti varimi vakohwe fodya isati yanyatsosvika, uye zvinoita kuti vasawane mari yavanotarisira.

Fodya yakaparadzwa nechimvuramabwe.
Fodya yakaparadzwa nechimvuramabwe.

Mumwe murimi akaparadzirwa fodya yake ndiVaTakesure Magora vanorima vari kuTwo Tree, kuMakonde.

VaMagora, avo vainge vasina kuzvidzivirira kunjodzi dzinowira varimi kuburikidza nekutora inishuwarenzi yefodya yavo, vanoti vakarasikirwa nefodya inosvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana.

VaMagora vanoti vave kumanikidzwa kukohwa fodya yavo isati yasvika sezvo yakatyorwa.

Kuwanda kwemvura ukukunonzi kuri kukurumidzisa kutsvukisa fodya yese nguva imwechete, sekutaura kwaVaLangton Chidhakwa, avo vanorima vari kuMakonde zvakare.

VaChidhakwa vanoti kunyange zvakadaro vanotarisira kuti fodya yavo ichatengwa nemutengo wakanaka unodarika madhora mana ekuAmerica pakirogiramu, kana kuti US$4.00.

Fodya inonzi yave kukasika kuibva nekuda kwemvura yawandisa.
Fodya inonzi yave kukasika kuibva nekuda kwemvura yawandisa.

Mumwe murimi asiri kufara nekuparadzirwa zvirimwa zvake ndiVaMuneyi Majasi, avo vakaparadzirwa donje ravo iro rainge rave kuita maruva.

Panyaya dzekutorera zvirimwa zvavo insurance, mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi, reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union of Zimbabwe, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti fodya inokanganisika zvakanyanya kana kwaita mhepo kana mvura ine chimvuramabwe, vachiti nekuda kwedambudziko iri varimi vanofanirwa kuchengetedza chirimwa chavo kuburikidza nekutenga inishuwarenzi.

Asi Amai Jiti vanokurudzira varimi vefodya kuti vatsvage makambani asingavabire mari yavo vachiti vanogona kushanda nemasangano anomiririra varimi.

Fodya ndicho chirimwa chinounza mari yakawanda munyika kudarika zvimwe zvirimwa zvose. Fodya inounza mari inoda kusvika pabhiriyoni rimwechete remadhora ekuAmerica munyika.

Kunaya kwemvura inoparadza kuri kutyirwawo kuti kungangoitika zvakare nhasi kana mazuva ari kutevera sezvo vanoongorora nezvemamiriro ekunze vari kuti pane dutumupengo rinonzi Tropical Storm Freddy richapinda munyika richibva kunyika ye Madagascar.

Varimi vanokurudzirwa kutorera zvirimwa zvavo mainishuwarenzi kuitira kudzivirira kurasikirwa nemari kana zvakaparadzwa nemamiriro ekunze nekuda kuwanda kwemvura, kushaikwa kwayo kana mamwe matambudziko anosanganikwa nawo mukurima akaita sezvirwere netwumbuyu zvinokanganisa mbesa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG