Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu Vononokerwa neKutanga kweMakundano eMwaka Uno Panguva iyo VePSL Vasiri Kutaura Kuti Anotanga Riinhi


 Castle Lager Premier Soccer League.
Castle Lager Premier Soccer League.

Vatsigiri vemutambo wenhabvu vanonokerwa nekutanga kwemakundano emwaka uno panguva iyo VePremier Soccer League vakanyarara kuti makwikwi aya anosimuka riinhi?

Vatsigiri vemutambo uyu vari kushushikana nekunonoka kwekutanga kwemakundano emwaka uno ayo vasiri kuziva kuti anosimuka rinhi?

Vatsigiri venhabvu ava vari kuita fembera-fembera kuti nhabvu iri kutanga rinhi sezvo pasina mashoko ari kubva kusangano rePremier Soccer League kuti nhabvu yepamusorosoro munyika inotanga musi waani?

Murairidzi weGreen Fuels, Lloyd Mutasa, anotiwo vagadzirira zvakakwana zvekuti vanonokerwa nekutanga kwemitambo iyi

Asi mutauriri wePSL, Muzvare Kudzai Bare, vakataurira Studio 7 kuti sangano ravo richazivisa pamazuva anotevera kuti makwikwi aya achatanga musi upi.

Asi PSL yazivisa kuti mutambo weCastle Challenge pakati peFC Platinum neBulawayo Chiefs, uyo unovhura mitambo mwaka wega wega, uriko musi wa 11 Kurume.

Izvi zviri kureva kuti nhabvu munyika haisi kudzoka nechimbi-chimbi kusvika musi wa 11 Kurume wadarika.

Veruzhinji vari kutarisira makundano achange akabaka moto zvichitevera kuvharwa kwemusika wekutenga nekutengesa vatambi.

Asi chiri kubuda ndechekuti vese vatataura navo, kusanganisira muongorori wemutambo uyu VaKudzai Bere, vari kungoti FC Platinum ndiyo iri kutora zvekare mukombe uyu.

Mutsigiri weYadah FC, VaBlessing Ruona, vanotiwo nenyaya yekurongeka pamwe nemari hapana chikwata chinosvika paKugona Kunenge Kudada.

Platinum FC ndiyo yakatora mukombe uyu mwaka wapera mushure mekunge yapedza iri pamusoro peChicken Inn neDynamos, iyo yave nemurairidzi mutsva, Hebert Marowa.

Asi murairidzi weManica Diamonds, Jairos Tapera, ane chivimbo chekuti pachapera mitambo ndivo vachakohwa pakuru kudarika zvikwata zvese zviri muPSL.

Asi zvese izvi zviri kuuya pasina ari kuziva kuti zvikwata zvichapinda riinhi munhandare kurwira mukombe mukuru uyu?

Munyori mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJoseph Mutawu, vanoti makundano aya anonoka zvekuti zuva nezuva vari kubvunzwa kuti nhabvu yacho inotanga rinhi?

Mutsigiri weCaps United, Muzvare Mercy Kudzedzereka kana kuti Mai Valle, vanoti vanonokerwa nekuona MaGreen Machine achidzicheka.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG