Chimwe chizvarwa cheZimbabwe Amai Spiwe Kachidza-Mapfumo avo vange vachishanda kuCanada kwemakore gumi rerimwe vachiita mabasa ekudzidzisa veruzhinji nezvechirwere cheHIV AIDS vanoti vave pamudyandigere munyika uye vachange vachiita mabasa ekubatsira madzimai nevanasikana.
Amai Kachidza-Mapfumo munyori wemabhuku uye vanoshanda nemadzimai ekumusha kwavo kwaMutoko. Vakanyora bhuku revana vadiiki rinonzi "A Trip To Zimbabwe With Gogo," iro vanoti rinofarirwa nevabereki nevana vakazvarirwa kunze kwenyika sezvo rino dzidzisa nezve nzvimbo dziri munyika , VBhuku iri rakanyorwa sengano.
"Ndiri kufara zvikuru nekuti ndakakwanisa kuunza vazukuru vangu vatatu vakazvarirwa kunze kwenyika kuZimbabwe. Ndakakwanisa kuenda navo kumusha kwangu kwaMutoko tikashanyira dzimwe nzvimbo dzandayi nyora nezvadzo mubhuku rangu. Vazukuru vangu vakafara zvikuru," Amai Kachidza-Mapfumo vaudza Studio7.
Amai Kachidza-Mapfumo vanoti vachange vachiita zvese zvavanokwanisa kubatsira madzimai nevanasikina neruzivo rwavakawana apo vakange vachishanda kuCanada.
Facebook Forum