Accessibility links

Breaking News

Vanoona nezveMamiriro eKunze Voyambira NezveMafashamu eMvura


Vanoona nezvemamiriro ekunze veeMeteorological Services Department (MSD) vari kuyambira veruzhinji kuti munyika muchanaya mvura kutanga nhasi kusvika svondo rinouya.

Mafashamu ari kutarisirwa kumatunhu anoti Matebeleland, Manicaland, Mashonaland East ne West pamwe neMasvingo.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa mubazi rezvemamirirro ekunze munyika, VaBenjamin Kwenda, vaudza Studio 7 kunogona kuita mafashanu sezvo pari kutarisirwa kuti panonaya mvura inogona kudarika mamirimita makumi matanhatu kana kuti 60 millimetres mukati memazuva maviri chete.

VaKwenda vayambira vagari kunyanya mumaruwa kuti vasayambuke nzizi dzinenge dzakazara uye vaone kuti dzimba dzavo dzakasimba sezvo mvura iyi inotarisirwa kuva iine dutumupengo remhepo zvekare.

Vakuru vakuru vemapazi ebazi rinoona nezvenjodzi kana kuti Civil Protection Unit(CPU) vanoti vakatotanga zvirongwa zvekuchenjedza vagari kuti vasarasikirwe nehupenyu. Mukuru weCPU mudunhu reChiredzi, VaLovemore Chisema, vayambira vagari munharaunda mavo kuti vasayambuke rwizi Runde urwo rwakatozara nemvura iri kunaya muMasvingo nekuMidlands.


Izvi zvatsinhirwawo nemukuru weCPU mudunhu reMashonaland West, VaJosphat Jaji vayambira vagari kuti vaende kunzvimbi dzakakwirira kuti vasayeredzwe nemvura.

Asi vamwe vagari vekuChilonga kuChiredzi vakaita saVaMelusi Matshilele vanoti hurumende inenge isina kunyatsogadzirira.

Asi vachitaura neChipiri mushure mekupedza kwemusangano wemakurukota ehurumende wekutanga gore rino, gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko munyika, Amai Monica Mutsvangwa vakati hurumende yakagadzirira kubatsira vanhu vose vanosangana nematambudziko achabuda kubva mukunaya kwemvura munyika.

Gore rapera vanhu vanosvika gumi nevana vakarasikirwa nehupenyu mushure mekuyeredzwa nemvura pazambuko reChilonga chete muMasvingo. Vamwe vakawanda vakayeredzwa kwaGutu, Zaka, Mwenezi nedzimwe nzvimbo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG