Accessibility links

Breaking News

ZIFA Inoti Iri Kuzivisa FIFA Zviri Kuitika muNhabvu muNyika neTarisiro yeKudzoswa muMakundano ePasi Rose


Vari kufanofambisa basa muZIFA, VaGift Banda
Vari kufanofambisa basa muZIFA, VaGift Banda

Vakafanobata basa rekutungamira Zifa, VaGift Banda, vanoti vari kutaura neFIFA vachiizivisa zviri kuitika munhabvu yemuZimbabwe vakatarisana nekudzorwa munhabvu yepasi rese.

VaBanda vanoti vakanyorera FIFA kuizivisa pavave muhondo yavo yekuedza kugadzirisa nhabvu yemunyika, iyo yakaita manyama amire nerongo.

Izvi zvinotevera kupedza basa kwekomiti yeZIFA Restructuring Committee, iyo yaiita ongororo yezviri kukonzeresa mhirizhonga munhabvu yemuZimbabwe.

Vanoti kunyange hazvo vasati vawana mhinduro, varonga musangano weZIFA Assembly uyo vachatarisa zvakabuda muongororo yakaitwa neZIFA Restructuring Committee iyi iyo yaive yapihwa basa reongororo iri neSports and Recreation Commission.

VaBanda vanoti vachazivisa nyika yese zvisungo zvavachabuda nazvo kubva mumusangano uyu.

FIFA
FIFA

Asi hazvisi pachena kuti FIFA ichavateerera here sezvo isingaremekedze hutungamiri hwaVaBanda asi hwaVaFelton Kamambo, avo vakadzingwa basa nebazi rehurumende reSports and Recreation Commission.

Sachigaro weSRC, VaGerald Mhlotswa, vanoti zvakabuda muongororo yeZIFA Restructuring Committee zvinosanganisira kuti bumbiro remitemo yeZIFA rinoda kugadziriswa zvakasimba.

VaMhlotswa vakaseka kuti Restructuring Committee yakaona kuti vamwe varimu ZIFA Assembly havatomboziva zviri mubumbiro remitemo iri nekuti havagone kuri verenga nekushaya dzidzo yakakwana.

Maneja wevatambi, VaGeorge Deda, vanoti vanotarisira kuti gadziriso yenhabvu iri kuitwa inofanira kupera nechimbi-chimbi.

Asi veruzhinji kusanganisira nhengo yeWarriors Friends Club, VaPhillip Regede, vanoti zvese zviri kuitwa izvi hazvina basa rakanyanya asi kudzoka kwemaWarriors munhabvu yepasi rese.

VaRegede vanoti SRC neZIFA vanofanira kutaurira nyika pavasvika chaipo munyaya dzekugadzirisa nhabvu uku.

Zimbabwe yakadzingwa munhabvu yepasi rese gore rapera zvichitevera kupindira kwebazi rehurumende reSRC munyaya dzehutungamiri hwenhabvu apo yakadzinga VaKamambo nekomiti yavo.

FIFA yagara haibvumidzi kuti hurumende ipindire mukufambiswa kwenhabvu.

Chasara kuona kuti tarisiro yevateveri venhabvu munyika yekuona nhabvu yepamusorosoro ichidzoka munyika inobudirira here.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG