Accessibility links

Breaking News

Nyaya dzeKunetserana Miganho yeMinda neMatunhu Dzokanganisa Hukama hweVagari neMadzishe muMatunhu Akawanda muNyika


Gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, (vakasimudza maoko)
Gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, (vakasimudza maoko)

Kunetsana kwevagari, varimi pamwe nemadzishe pamusoro pemiganhu konetsa munyika yose, kune dzimwe nzvimbo vagari vachisimudzirana matemo.

Nyaya dzemiganhu yeminda, yenzvimbo dzemafuro pamwe nemiganhu yematunhu anotongwa nemadzimambo ragara riri dambudziko kubva pasi chigare.

Asi matambudziko aya anonzi akanyanya kusimuka kubva mugore ra2000 pakagariswa vanhu patvsa mumapirazi aimbove evarimi vechichena.

Izvi zvinonzi zvakakonzerwa nekuda kwegwaro raiwanisa vanhu pekugara kana kuti “Offer Letter” iro rave kuchichinjwa kuti rinzi ”Permit.”

Nzvimbo inenge yakanyorwa pamagwaro kuti ndiyo inofanirwa kunge munhu akagara yaiitwa zvekufungidzirwa kana kuti approximate.

Mumwe murimi wekuHurungwe, VaAaron Jonasi, avo vanorima papurazi reBuffalo Downs, vanoti kusawirirana nekurwisana nekuda kwemiganhu kwakawanda mudunhu ravo.

VaJonasi vanoti vashandi vehurumende vanoona nezvemiganhu yenzvimbo dzekurima havasati vauya kuzozivisa miganhu yakanyorwa pamagwaro avakapiwa kuti vawane minda kana kuti offer letters avanawo.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wekwaZvimba, VaMunashe Pasi, avo vanoti nyaya dzemiganhu dzanetsawo mudunhu ravo.

Nyaya yemiganhu inonzi iri kunetsawo kudunhu reChegutu uko Ishe Zvimba naIshe Ngezi vari kunetsana pamuganhu izvo zvave kukonzera kuti vagari vemuwadhi 23 vasazive kuti vari pasi pamambo upi.

Varimi vari kurwirawo miganho yeminda yavo.
Varimi vari kurwirawo miganho yeminda yavo.

Mudzviti wenzvimbo yeChegutu Amai Dzosai Muzvidziwa vanoti nyaya iyi yatove kumatare makuru edzimhosva kana kuti High Court.

Nyaya dzemiganhu dzinonzi dziri kunetsawo kune mamwe matunhu munyika zvekuti kuManicaland vagari vari pasi paIshe Makoni naIshe Chiduku vakarwisana nekuda kwemuganhu.

Zvinonzi vagari ava vakarwisana masvondo maviri apera kuNyazura pamutambo wekugadzwa kwaSadunhu VaMbaimbai Revayi munzvimbo yakagariswa vanhu patsva iyo yaimbove pasi paIshe Makoni.

Zvinonzi muganhu mutsva wakaiswa nehurumende wakadzikisa kukura kwedunhu raIshe Makoni richichekerwa Ishe Chiduku, Ishe Tandi, Ishe Chikore naIsheChipunza, izvo zvakapa kuti vamwe vagari vemudunhu raIshwe makoni varwise vanhu vemudunhu raIshe Chiduku pamutambo uyu.

Vakarwisa vanhu ava vanoti VaAustin Magondo, VaPhilip Magondo naVaPatrick Nyatsuro, avo vakatomiswa pamberi pedare kwaRusape vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Vatatu ava vakabhadhariswa mari yechibatiso inota zviuru zvitatu zvemadhora emunyika pamunhu, uye vari kutarisirwa kudzoka mudare neMuvhuro unouya.

KuChiredzi kwakanga kuine kunetsana pakati paIshe Neromwe Ishe Tshovani vachirwira dunhu reChiredzi zvichitevera danho rakatorwa nehurumende rekumutsiridza hushe kwe Neromwe uhwo hwakaknga hwabviswa munguva yehutongo hwevachena.

Masvingo eZimbabwe
Masvingo eZimbabwe

Muna 2014 madzishe emudunhu reMasvingo anoti Ishe Charumbira, Ishe Mugabe naIshe Murinye vakanga vachinetsana vachirwira masvingo eZimbabwe, ishe ega ega achiti ari ari mudunhu make.

Madzishe aya anonzi airwirawo mari dzaibhadharwa nevashanyi vainoona masvingo aya.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, kuti tinzwe kuti nyaya dzekurwira miganhu idzi dzakawanda zvakadii uye kuti bazi ravo riri kudzibata sei?

Asi gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka vanoti vanhu vanofanirwa kutevedzera pavakanzi ndepavo negwaro kusvikira vanoongorora muganhu kana kuti surveyor general vapedza basa ravo.

VaMasuka vanotiwo varimi vasatore basa remutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa rekupa miganhu sezvo zvichisungisa.

Nyaya dzekunetsana kwemiganhu dzinonzi dzakawanda mudatare redzimhosva rekuyananisa magakava kana kuti Civil Court muChinhoyi asi hatina kupiwa huwandu hwenyaya idzi.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG