Accessibility links

Breaking News

Mapurisa neVatori veNhau Vowirirana Kusava Makara Asionane


Mapurisa nevatori venhau vanofanirwa kushanda vese zvakakana pasina kupokana sezvo vose vachiita mabasa akakoshera veruzhinji.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa pakati pemapurisa nevatapi venhau muBulawayo nhasi.

Vachitaura neStudio 7 mushure memusangano mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner vati zvakakosha kuti vatori venhau nemapurisa vashande pamwe sezvo mabasa avo akakosha mukuvaka nyika

VaNyathi vati panguva yesarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rino vatori venhau nemapurisa havafanirwe kuwanikwa vachipesaniswa nevezvematongerwo enyika

Asi sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau pasi rose reCommunity to Protect Journalists rinoti munyika dzine sarudzo gore rino dzakaita seZimbabwe, Liberia, Sierra Leone, Guinea Bissau neDRC vatori venhau vari kushushikana zvikuru vachitya nyaya dzekushungurudzwa. Mukutanga kwemedzi uno, matikitivha eCriminal Investigations Department kana kuti CID akasunga mupepeti mukuru webepanhau reMirror kuMasvingo Garikai Mafirakureva. Achipomerwa mhosva yekuda kusvibisa mapurisa nenyaya yaainge anyora.

Vatori venhau vane chitsama kusanganisira mumwe mutori wenhau weMirror zvekare Elizabeth Mashiri nevamwe vekuAlpha Media Holdings vakaita saBlessing Mhlanga naChengto Chidi vakasungwawo vachipomerwa mhosva yekutora mifananidzo panzvimbo dzisia kukodzera nemapurisa kunyangwe vaiti zvaive zvisiri zvechokwadi.

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inogara ichiti ichasiy tsika yekumbunyikidza vatori venhau senzira yekurudzira hutongi hwejekerere. Asi vanomirita vatori venhau vanoti izvi zvichiri kuramba zvichiitika.

VaNyathi vabvuma kuti kune mamwe mapurisa epasi anokarira kushungurudza kana kusunga vatori venhau zvenhando asi vakati vari kuita zvose zvavanogona kupa dzidziso kumapurisa ose.

Mumwe wevatapivenhau vange vari pamusangano wanhasi VaTanaka Murehwa vati zvakakosha kuti mapurisa adzidziswe kukosha kwekuremekedza kodzero dzevatori venhau.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Union of Journalists VaPerfect Hlongwane variwo sachigaro weMedia Alliance of Zimbabwe vatsinhira kukosha kwakaita musangano wakadai vachiti vari kuendawo kumatunhu ose vachiita zvimwe chete.

Pasi rose zvinhu hazvina hazvo kumira zvakanaka kuvatori venhau sezvo sangano United Nations richiti vatori venhau makumi masere nevatanhau vakaurayiwa pasi rose gore rapera chete kunyaya kuMexico, Ukraine neHaiti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG